Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanonzi havana kuenda kuGhana sezvange zvakatarisirwa. Kusaenda kwaVaMugabe uku kuri kuuya kunyangwe hazvo Ghana yange yatoisa mifananidzo muguta rose reAccra ichiti VaMugabe vari kushanya.
Gurukota rinoona nezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu amai Prisca Mupfumira vanoti hurumende haisi kubhadharisa vanhu mari kuti vapihwe chikafu.
Mumhwanyi ane mukurumbira pasi rose Usain Bolt ari kutarisirwa kumhanya nhasi mumujahwo hwe200 meters. Bolt akahwina goridhe mumakundano aya kuLondon muna 2012.
Vanhu vakawanda varohwa nemapurisa nhasi muHarare mushure mekuratidzira kwange kwakarongwa nesangano re#Tajamuka. Vanhu vanodarika zana vange vachiratidzira vachiti havadi mari dzemabond notes dziri kuda kuparurwa nehurumende muna Gumiguru.
Panenge patotanga kuita ropa rakaipa pakati pemutungamiri webato rinopikisa VaMorgan Tsvangirai nemutungamiri webato reZimbabwe People First kunyangwe hazvo vaviri ava vakaita musangano pamwe chete nemusi weMugovera.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kutarisirwa kuenda kuGhana svondo rinouya kubva musi wa18 kusvika 22 uko vachapihwa chiremerera chepamusoro chekurwisa hupambefpumi kana kuti Millennium Life Time Achievement.
NeChitatu, mitambo ye2016 Rio Olympics yasvika muzuva reshanu paine mitambo yanakidza vanhu vakawanda kusvika parizvino.
Gurukota rinoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko VaSupa Mandiwanzira varamba mashoko ekuti bhiri reComputer Crime and Cyber Crime Bill rakanangana nekuranga Pastor Evan Mawarire nevamwe.
Vaimbova mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries VaCallisto Jokonya vari kukurudzira nyika kuti iise musoro pasi iyedze kugadzirisa mamiriro ezvehupfumi hwenyika hwavanoti hwaenda kumawere.
Muzuva retatu makwikwi emaOlympics atanga zviri pamuitemo. Vanhu vaona makwikwi akaita sekutihwina, rugby, judo nezvimwe.
Munyori mukuru musangano reZimbabwe National War Veterans Association VaVictor Matemadanda vanoti pane vanhu vakayedza kuvatevera uye vakatora mifananidzi yavo apo vainge vari muHarare.
Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaDouglas Mahiya vanoti vanofungidzira kuti kudzingwa kwavo mubato kwakakonzerwa nevamwe vechikwata chinozviti Generation 40 cheZanu-PF.
Vamwe vatsigiri veMovement for Democratic Change vakarohwa zvakaipisisa nemusi weChina kuMadziva, Shamva North, Mashonaland Central nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.
Politburo yeZanu-PF nemuisi weChitatu yakadzinga vakuru vesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans nevamwe vakuru vebato.
Dzimwe nhengo dzeZimbabwe National Liberation War Veteran’s Association mbiri dzakazvipira kumapurisa muHarare nemusi weChipiri dzichibva dzasungwa.
Mutongi wedare ramejastiriri muBulawayo VaTawanda Muchemwa nhasi vaburitsa muhusungwa zvimwe zvizvarwa zvemuBulawayo zvina zvakasungwa mwedzi wapera zvichipomerwa mhosva yekupinda mukuratidzirwa kwakaitwa munyika mwedzi wapera.
Zimbabwe revenue authority kana kuti ZIMRA inoti yakundikana nezvikamu zvitanhatu kubva muzana kusvitsa mari yemitero yavange vakatarisira kuwana kubva kumakambani.
Amai Hillary Clinton vapinda munhoroondo yeAmerica vachiva mudzimai wekutanga kusarudzwa kutungamira bato guru musarudzo dzemutungamiri wenyika.
Mutauriri wesangano revaiva varwi vehondo yerusununguko reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaDouglas Kufakunesu Mahiya vaKAmiswa pamberi pedare ramejasiriti muHarare nemusi weChina vachipomerwa mhosva yekutuka mutugamiri wenyika VaRobert Mugabe.
European Union inoti haisi kuzobvisa zvirango zvakatemerwa gweta guru rehurumende VaJohannes Tomana nevamwe zana nemakumi maviri.
Rodhai zvimwe