Accessibility links

Breaking News

Dare rekuBulawayo Rinoti veChidiki vana Vakasungwa Mukuratidzira kweMwedzi Wapera Havana Mhosva


rs
rs

Mutongi wedare ramejastiriri muBulawayo VaTawanda Muchemwa nhasi vaburitsa muhusungwa zvimwe zvizvarwa zvemuBulawayo zvina zvakasungwa mwedzi wapera zvichipomerwa mhosva yekupinda mukuratidzirwa kwakaitwa munyika mwedzi wapera.

Vanzi havana mhosva ava ndiVaMthokozisi Ncube vane makore makumi maviri nemashanu VaAlfred Dzirutwe vane makore makumi matatu nemashanu, VaRobson Tera vane makore makumi matatu nemapfumbamwe uye VaThembelihle Sibanda vane makore makumi matatu nematanhatu.

Vana ava vakasungwa pakuratidzira kwakaitwa musi wa6 Chikunguru vakatongwa nemhosva yekuita musarinya kana kuti aged 36 years, “criminal nuisance in contravention” pasi pemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9:23.

Vachuchusi vehurumende vainge vati vana ava avo vasingashande vainge vakanganisa runyararo munyika apo vakaratidzira muBulawayo. Vechidiki ava vainge vachidaidzira kuti VaMugabe ngavaende.

Asi magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights VaLison Ncube, VaTanaka Muganyi naVaLizwe Jamela vakati vachuchusi vainge vakundikana kuunza nyaya yakasimba kudare. Magweta aya akati kusungwa kwevanhu ava kutyora kodzero dzavo.

Zvichakadaro mutongi wedare ramejastiriti VaSheunesu Matova varambidza mapurisa kudzivisa ve Rural Communities Empowerment Trust kuita misangano yavo kuLupane. Mapurisa ainge arambidza kuitwa kwemusangano uyu achiti zvinhu hazvina kugadzikana munyika.

XS
SM
MD
LG