Vaimbova mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries VaCallisto Jokonya vari kukurudzira nyika kuti iise musoro pamwe chete iyedze kugadzirisa mamiriro ezvehupfumi hwenyika uho hwavanoti hwaenda kumawere.
VaJokonya vari kukurudzira hurumende, vashandi nevashandirwi kuti vagare pasi vazeye nyaya yekudzikisa mihoro nezvinhu zvose munyika kana kuti Internal Devaluation kuti hupfumi hugadzirike. Vanoti zvinhu zviri kugadzirwa muZimbabwe zviri kudhura.
Asi munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions VaJaphet Moyo vati nhaurirano panyaya iyi hadzina kuipa asi hadzifanire kungotarisa vashandi chete.
VaMoyo vanoti vashandirwi vane tsika yekutenga zvikakarara zvemotokari uku vashandi vachinonga svosve nemuromo.
Makambani handiwo chete ari kuomerwa nezvinhu. Hurumende iri kunetsekawo nenyaya dzemihoro.
Gurukota rinoona nezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vari kutatarikawo kubhadhara vashandi vehurumende mari izvo zvapa kuti vashandi ava vagare vachiti vanoda kuramwa mabasa.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanoti chapa kuti hupfumi hwenyika huende kumawere inyaya yezvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika.