Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights riri kushora zvikuru kusungwa kwenhengo dzeZimbabwe National War Veterans’ Association nenyaya yekushora mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Mutungamiri webato rinopikisa re reZimbabwe People First Amai Joice Mujuru vari kuita musangano kuRudhaka Stadium kuMarondera neMugovera.
Gurukota rinoona nezvedunhu reManicaland amai Mandi Chimene vashora zvikuru vakuru veZimbabwe National Liberation War Veterans Association nekushora kwavakaita mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChina vachiti varasika gwara rehondo yeChimurenga uye vave kufanira kusiya basa.
Bato reZanu PF nhasi razivisa kuti richapa nzvimbo dzekuvakira dzimba kana kuti ma stands kune vechidiki vebato iri senzira yekuzadzikisa zvakavimbiswa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pavaitsvaga rutsigiro.
Vechidiki veZanu-PF Youth League nhasi varatidzira muHarare vachiti havasi kufara nekumwe kuratidzirwa kuri kuitwa neveHas Tag This Flag uye veTajamuka.
Zvinhu munyaya dzezvehupfumi munyika hazvina kumira zvakanaka zvopa vamwe kuti vayambire kuti nyika inogona kuguma yaenda kumazivandadzoka zvakaitika kuZaire pasi pehutongo hwaMobuto Sese Seko zvakapa kuti nyika iite donga Watonga muzinda wenyuchi.
Madzimai ebato rinopikuisa reMovement for Democratic Change aratidzira muBulawayo nhasi achirova mapoto nemigoti kuratidza kunyunyuta nematongero emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Vanhu vakawanda vanotengesa mumigwagwa vakaratidzira muHarare nemusi weChishanu pamuzinda wameya weTown House vakakandirwa hutsi hunokatyidza nekurohwa nemapurisa.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaMorgan Tsvangirai vadoma VaElias Mudzuri naVaNelson Chamisa sevatevedzeri vavo.
Mazana nemazana evanhu vaungana pamuzinda webato rinopikisa reMDC weHarvest House muHarare kuzoona mutungamiri webato iri VaMorgan Tsvangirai avo vakatanga basa nemusi weChina.
Gweta raVaEvan Mawarire, VaHarrison Nkomo vanoti mapurisa ayedza kubika nyaya mudare kuti varoverere asi zvakona n’anga murapwa achida.
Pastor Evan Mawarire vasunungurwa nedare ramejastiriti muHarare mushure mekunge mutongi ati nyaya yaunzwa kudare nemapurisa nevachuchusi vehurumende yange isina kumira zvakanaka.
Pastor Evan Mawarire avo vakazvipira kumapurisa nezuro vachibva vasungwa vave kupomerwa mhosva yakakomba yekuda kutyora bumbiro remutemo nekukurudzira kupidigurwa kwehurumende.
Mapato anopikisa munyika abatana nesangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International kushora zvikuru hurumende yeZimbabwe nekusunga Pastor Evan Mawarire nemusi weChipiri.
Gweta raPastor Evan Mawarire avo vanotungamira Hash Tag This Flag, VaHarrison Nkomo vanoti vaMawarire vave kutarisirwa kumiswa pamberi pedare ramejastiriti muHarare.
Pastor Evan Mawarire avo vari kutungamira Hash Tag This Flag iri kuratidzira munyika kuti hurumende igadzirise zvinhu zvaenda kumawere munyika vasungwa nhasi nemapurisa.
Pastor Evan Mawarire veHash Tag This Flag avo vakatungamira kuratidzira kwakaitwa nemusi weChitatu vanoti nyaya yevhidhiyo yemapurisa achirova vanhu vari muhusungwa imwe nyaya iri kuvapa simba rekudaidzira kumwe kuratidzira kwemazuva maviri svondo rino.
Dare rabvuma kuti vamwe vanhu vakasungwa mushure memhirizhonga yakaitika muguta reBulawayo svondo rapera vabhadhare mari yechibatiso ukuwo mapurisa achinzi ari kuramba achisunga vanhu pamusoro pemhirizhonga iyi.
Nhengo yeZanu-PF inomirira Bikita West mudare reparamende VaMunyaradzi Kereke vabatwa nemhosva yekubata mumwe mwana wavaigara naye chibharo.
Mutauriri weTajamuka, VaPromise Mkwananzi avo vakazvipira kumapurisa nemusi weChishanu vave kugara mutirongo mushure mekunge mutongi wedare ramejastiriti muHarare ati haasi kunzwa zvakanaka akati nyaya iyi izonzwikwa neMuvhuro.
Rodhai zvimwe