Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChishanu vakamisa vanhu vemuBindura kuMashonaland Central kwemawa mana muchando apo vakanonoka kuuya kumusangano wainge wadaidzirwa nebato ravo.
Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanoti kugadzirisa matambudziko atarisana nenyika zvave kuda kuti vanhu vose vaite mubatirapmawe chuma chemuzukuru.
Sangano reZimbababwe Lawyers for Human Rights ratumira magweta kumativi mana enyika kunobatsira vanhu vakasungwa nemapurisa mukuratidzira kwakaitika munyika nemusi weChitatu.
Vashandi vehurumende vanoenderera mberi nekuramwa mabasa, kunyange hazvo varairidzi vawana mari dzavo dzemihoro yaChikumi, ukuwo vanachiremba nevakoti vachitarisirwa kuwanawo mihoro yavo nemusi weChishanu.
Pastor Evan Mawarire avo vakatungamira kuramwa mabasa nemusi weChitatu vanoti hurumende ikasatambira zvavari kuda kuti zviitwe vachakurudzira vanhu kuti vasaende kumabasa svondo rinouya.
Gurukota rinoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko VaSupa Mandiwanzira varamba kuti hurumende nemusi weChitatu yakambovhara dandemutande rekufambiswa kwemashoko reWhatsapp.
Pastor Evan Mawarire avo vakakurudzira vanhu kuti varatidzire nhasi vanoti kuratidzira uku kwabudirira zvakanyanya.
Vanhu vakawanda munyika nhasi vateerera kurudziro yekuti vasaende kumabasa vachiratidzira kuti havasi kufara nehurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Masangano akawanda munyika akaita seHash Tag This Flag, Tajamuka nemamwe ari kukurudzira vanhu kuti vasaende kumabasa nemusi weChitatu vachiratidza kunyunyuta kwavo nemamiriro akaita zvinhu munyika.
Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanoti havasi kuzosiya chigaro sezviri kukukurudzirwa nevamwe vanhu.
Zvinhu zvinonzi zvafuma zvakaita manyama amire nerongo muHarare nenzvimbo dzakapoteredza sezvo vemakombi nevanhuwo zvavo vari kurwisana nemapurisa.
Sachigaro webato rinopikisa richangoparurwa, Acie Lumumba uyo ari kutsvagwa nemapurisa achipomerwa mhosva yekutuka mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe anonzi ari kuzvipira kumapurisa nhasi masikati.
Dare ramejastiriti kuBeitbridge nemusi weSvondo rakagara rikanzwa nyaya iri kupomerwa vanhu gumi nevanomwe yekuita zvemhirizhonga.
Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba varamba kuti sachigaro webato richangoumbwa reViva Zimbabwe VaAcie Lumumba vari mumaoko emapurisa sezvakataurwa nevanoshanda navo.
Meya weguta reHarare VaBernard Manyenyeni avo vakasungwa nemusi weChitatu nesangano reZimbabwe Anti-Corruption Commission vari kupedza zuva repiri vari mutirongo kuAvondale Police Station sezvo vatadza kuendeswa kudare sezvange zvakatarisirwa.
Vanhu vakawanda munyika vari kurangarira muchakabvu Dr Joshua Nkomo avo vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika. Vankomo vakashaya musi wa 1 Chikunguru.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemutungamiri wenyika yeSierra Leone VaErnest Bai Koroma vari kuita musangano wakanangana nekukurudzira kuti gungano reUnited Nations Security Council rivandudzwe kuti rive nenyika mbiri dzemuAfrica.
Vaimbova nhengo yeZanu-PF VaAcie Lumumba vaparura bato ravo rinonzi VIVA party muHarare nemusi weChina.
Gurukota rinoona nezvemaindustry VaMike Bimha vanoti kutanga muna Chikunguru, ZIMRA inenge yotevedzera mutemo wakadzikwa hwekumiswa kwekupinda kwezvimwe zvinhu munyika nevanhu vasina marezinesi
Mudare reparamende munonzi manga maita mhirizhonga apo nhengo yeZanu-PF inomiririra Zvishavane-Ngezi VaJohn Holder vabaya nechigunwe nekusunda nhengo yedare reparamende yeMDC VaNelson Chamisa.
Rodhai zvimwe