Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanoti kugadzirisa matambudziko atarisana nenyika zvave kuda kuti vanhu vose vaite mubatirapmawe chuma chemuzukuru.
Vachitaura neStudio 7, VaTsvangirai vanoti kubva mutungamiri wenyika VaRobert VaMugabe zvavakaita zano ndega pakapera sarudzo dzemutungamiri wenyika muna 2013, zvinhu zvabva zvananga kumawere.
Sarudzo dzinotevera dziriko muna 2018 uye vamwe vanoti dai kwaitwa sarudzo nechimbi chimbi. Asi VaTsvangirai vati hazvibatsire kuti sarudzo idzi dzikurumidze kuitwa kana munyika musina kuvandudzwa mitemo inozopa kuti paitwe sarudzo dzakachena.
Panyaya yevechidiki vari kuratidzira, VaTsvangirai vati havasi kushamisika nezviri kuitika nekuti vechidiki ndivo vakawanda munyika uye kusamira zvakanaka kwehupfumi kwapa kuti vasare vari pamhene.
VaTsvangirai vati ikodzero yemunhu wose kuratidzira murunyararo. Vatiwo hurumende inofanira kugadzirisa zvichemo zvevechidiki ava kwete kutumira mapurisa nemauto kunovarova nekuti hazvina pundutso.
VaTsvangirai vashorawo zviri kutaurwa nehurumende zvekuti pane vanhu vari kufurira vanhu kuratidzira. Vati vana veZimbabwe hazvisi zvituta zvisina njere zvinoudzwa zvekuitwa nevamwe vanhu.