Accessibility links

Breaking News

VaLumumba Vozvipira kuMapurisa


Lumumba
Lumumba

Sachigaro webato rinopikisa richangoparurwa reViva Zimbabwe, VaAcie Lumumba avo vari kutsvagwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekutuka mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanonzi vari kuzvipira kumapurisa nhasi masikati.

Vanoona nezvemutemo muViva Zimbabwe VaAgency Gumbo vaudza Studio 7 kuti Lumumba vachazvipia kumapurisa ekuHarare Central Police Station masikati anhasi.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba nemusi weChishanu vakaramba kuti VaLumumba vainge vari mumaoko emapurisa sezvakataurwa nevanoshanda navo.

Amai Charamba vakaudza Studio 7 kuti mapurisa ainge ari kutotsvaga VaLumumba vachivapomera mhosva yekunyomba mutungamiri wenyika nemusi weChina. Vakatiwo VaLumumba vaifanira kuzvipira kukamba yemapurisa iri pedyo navo.

Pakuparura bato ravo kuAmbassador Hotel muHarare, VaLumumba vanonzi vakatuka VaMugabe.

XS
SM
MD
LG