Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChishanu vakamisa vanhu vemuBindura kuMashonaland Central kwemaawa mana muchando apo vakanonoka kuuya kumusangano wainge wadaidzirwa nebato ravo.
Vanhu ava vange vakamirira VaMugabe munhandare yeChipadze. VaMugabe vakatanga vaita musangano nenhengo dzebato ravo paBindura University. Musangano wekutanga uyu wainge uri wekuyedza kugadzirisa zviri kunetsa mubato iri iro roita zinyekenyeke.
Vati chiri kupa kuti vashandi vehurumende vanonoke kutambira mari inyaya yekuti hurumende haina mari. Vatiwo vanhu vanofanira kutambira mari iri kuda kuparurwa nerbz yemabond notes.
VaMugabe vakati nyaya iri kuita kuti hurumende itadze kubhadhara vashandi inyaya yekuti nyika yakatemerwa zvirango nenyika dzekumawirira. Vashandi vehurumende vange vachiramwa basa svondo rino sezvo hurumende yakatadza kuvabhadhara mari dzavo dzemihoro nenguva.
VaMugabe havana kutaura nezvenyaya yekuratidzira kwakaitwa munyika neChitatu asi vakati vane ruzivo rwekuti pane vekunze kubva kuAmerica neBritain vari kuda kukanganisa nyika.
Vachitaura pagungano iri vamugabe vati vanopikisa vari kuita misangano kuSouth Africa yekuda kuumba mubatanidzwa asi vati havakunde Zanu-PF musarudzo.
Zvichakadaro, munyori mukuru musangano revakarwa hondo reZimbabwe Liberation War Veterans Association VaVictor Matemadanda vanoti vari kuita musangano munguva pfupi inotevera kuti vaite musangano naVaMugabe vachigunun’una nenyaya yekudzingwa mubato kwasachigaro wesangano ravo VaChris Mutsvangwa vachipomerwa mhosva yekuzvidza bato.
Izvi zvave kureva kuti kunenge kwoitwa sarudzo kuNorton sezvo VaMutsvangwa vaive nhengo yedare reparamende.