Dare ramejastiriti kuBeitbridge nemusi weSvondo rakagara rikanzwa nyaya iri kupomerwa vanhu gumi nevanomwe yekuita zvemhirizhonga.
Izvi zvinotevera kuratidzira kwakaitwa nevanhu nemusi weChishanu vachiti havasi kufara nemutemo wehurumende wekumisa kupinda munyika kwezvimwe zvinhu zviri kunotengwa nevanhu kuSouth Africa vachitengesa muZimbabwe.
Vanhu ava vanova varume gumi nevatanhatu uye mudzimai mumwe chete vakamira pamberi pamajastiriti Amai Gloria Takundwa.
Vanhu ava vaimirirwa negweta rinova nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights VaReason Mutimba. Mapurisa eZimbabwe Republic Police ari kupomera vamwe gumi mhosva yekuvarova apo vakauya kuzodzivirira mhirizhonga pabhodha reBeitbridge.
Vanhu ava vari kutongwa nemutemo wechikamu 36 chemutemo we Criminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9:23.
Mejastiriti Takudzwa vakati vanhu ava vagare mutirongo kusvika musi weChipiri apo vachaona kuti vovapa mukana wekubvisa mari yechibatsiro here kana kuti kwete.
Vachuchusi vehurumende vakakumbirawo nguva yekuti vanzwe kubva kuvakuru vavo kuti votora danho ripi panyaya yechibatiso.
Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights ratenda dare ramejastiriti iri nekutevera bumbiro remutemo rinoti hapana munhu anofanira kugara mutirongo kwemaaya anodarika makumi mana nemasere asina kuenda kudare.