Gurukota rinoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko VaSupa Mandiwanzira varamba kuti hurumende nemusi weChitatu yakambovhara dandemutande rekufambiswa kwemashoko reWhatsapp.
Vanhu vakawanda vakaudza Studio 7 kuti nharembozha dzavo dzange dzisiri kushanda mangwanani ose. Vakawanda vanoti hurumende yaiedza kuita izvi kuda kudzivisa vanhu kuti vasaratidzire vachinyunyuta nekutadza kutungamira kwavanoti kuri kuitwa nehurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Asi VaMandiwanzira vati pamwe chakonzera kuti dandemutanda ridonhe inyaya yekuti vanhu vakawanda vange vachirishandisa panguva imwe chete. VaMandiwanzira vati titaure nevenharembozha. Asi mukuru weEconet VaDouglas Mboweni vati ichokwadi kuti dandemutande ravo rabodonha. Asi varamba kutaura kuti chii chaitika.
Zvichakadaro, sangano rePostal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe (POTRAZ) pamwe nevanoona nezvekufambiswa kwenhare nenharembozha vaburitsa mashoko vachiti pane vanhu vakawanda vari kutumira mashoko ekunyomba panharembozha vakati izvi zvinogona kuvapinza muna taisireva.
Vati vanhu vose vari kutumira mashoko ekukurudzira kuratidzira vachasungwa. Asi nyanzvi munyaya dzezvekufambiswa kwemashoko dzinoti zviri kutaurwa nePOTRAZ ndezvemugotsi matsuro sezvo zvichinetsa kusora Whatsapp.
Magweta anotiwo hazvisi pamutemo kuvhara nharembozha kana dandemutande reWhatsapp.