Vanhu vakawanda munyika nhasi vateerera kurudziro yekuti vasaende kumabasa vachiratidzira kuti havasi kufara nehurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Hurumende yamboedza kudzivisa vanhu mangwanani kuti vasataura pamadandemutande akaita sewhatsapp asi hapana zvabatsira nekuti vanhu vakawanda havana kuenda kumabasa.
Asi zvinonziwo kune kurwisana kwaitika kune dzimwe nzvimbo zvikuru kunogara voruzhinji kwakaita sekuChitungwiza, Mufakose nePumula kuBulawayo. KuChinhoyi, zvitoro, makirinika nemabhanga akaita seStandard neBancABC avhara.
Mapurisa anonzi ari kurovawo vanhu munzvimboi idzi uye vatori venhau vanosvika vana vasungwa nemapurisa apo vange vachitora mifananidzo. Vechidiki vashanu veBulawayo Youth Arise vasungwawo nemapurisa vachiratidzira muBulawayo.
Zvikoro zvange zvakavharwa uku kuzvipatara kwange kusina vana chiremba. Nzira dzakavharwa nematombo kumisha yevazhinji yakawanda avo vari kuti havasi kufara nezviri kuitwa nehurumende yaVaMugabe.
Vatiori venhau veStudio 7 vari mumadhorobha akasiyana siyana vachakupai zvizere.