Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yorangarira Dr Joshua Nkomo


Joshua Nkomo
Joshua Nkomo

Vanhu vakawanda munyika vari kurangarira muchakabvu Dr Joshua Nkomo avo vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika. Vankomo vakashaya musi wa 1 Chikunguru.

VaCephas Msipa ndemumwe waana sorojena vashoma vasara munhoroondo yehondo yerusununguko rwenyika uyezve ndemumwe wevanhu vashoma vakashanda kwenguva yakareba namushakabvu Dr Joshua Nkomo pamwe nemutungamiri wenyika vaRobert Mugabe.

VaMsipa, avo vaive nhengo yebato reZAPU munove makazobuda bato reZanu PF, vanoti kubvira pakutanga, VaNkomo munhu airemekedzwa nevanhu vose semutungamiri chaiye panyaya yekurwisa hutongi hwevachena uye kubatanidza vanhu vatema vemunyika ino panguva yaiziikanwa kuti Southern Rhodesia.

VaMsipa vanoti VaNkomo munhu aive nerudo rukuru rwenyika yake. VaMsipa vanotsinhira kuti pane zvose zvavaiita VaNkomo vaitungamirwa nekukoshesa kuti nyika ive nehutongi hwejekerere vachitiwo, kunyangwe vairwira kuzvitonga kuzere pavakapatsanuka vachibuda muZAPU, VaNkomo vakaramba vari munhu aitsvaga kushanda nevese vairwira kodzero dzevanhu vatema.

Vanotiwo VaNkomo vaive munhu aiva nemutsa vachikwanisa kuregerera munhu wese ainge avatadzira, vachitiwo hunhu hwakadai ndihwo hwakaita kuti vaNkomo vakwanise kuzvininipisa, vakashanda pasi paVaMugabe mushure mechibvumirano cheUnity Accord chakaitwa pakati peZanu PF neZAPU muna 1987.

Sezvinowanzoitika kune munhu wese akakosha munhoroondo yenyika, nekuda kwekusanzwisisa, kune vanhu vanogona kushora kunyange zvakanaka zvaanenge aita.

VaDumiso Dabengwa avo vaive mukuru wemauto eZimbabwe People’s Revolutionary Army kana kuti ZIPRA, vanoti ivo ndemumwe wevanhu vakamboshora VaNkomo pavakasaina chibvumirano cheUnity Accord, asi vanoti vakazoona kuti VaNkomo vakaita izvi nechido chekuda kuunza kubatana pamwe nerunyararo munyika.

VaChristopher Ndiweni avo vaivewo murwi weZIPRA vanotsinhirawo izvi vachiti VaNkomo vanofanirwa kuremekedzwa nekuyedza kuunza runyararo munyika zvisinei kuti ivo nevamwe vakuru vakuru veZAPU pamwe nevarwi veZIPRA vaive vamboshungurudzwa zvakanyanya nevebato reZanu PF.

Hurumende yeZanu PF inonzi yakashungurudza varwi vehondo vaive pasi peZIPRA. Isu sevarwi vacho taigara tichizivisa VaNkomo zvaiitika tikatomboedza kuti vabvume kuti titore zvombo zvedu tidzorere kushungurudza kwataiitwa uku.

Asi VaNkomo vakaramba zvachose vachiti izvi vaizokonzera hondo. Vamwe vanoti VaNkomo vakatengesa pavakabvuma kusaina Unity Accord asi chokwadi chiripo ndechekuti vakaita izvi nekuti vaisada kuti muZimbabwe muite hondo seyakaitika kuAngola kana kuMozambique.

VaNkomo vanofanirwa kurangarirwa nekurumbidzwa nariinhi wose semutungamiri chaiye wehondo yekusunungura nyika kubva muhutongi hwevaChena.

Retired Brigadier General Agrippa Mutambara murwi wehondo yerusununguko uye vairwa vari mumauto eZimbabwe African National Liberation Army kana kuti ZANLA.

VaMutambara avo vave kutsigira bato reZimbabwe People First vanoti ivo nevamwe vakawanda vaive muZANLA vairemekedza hunhu nehutungamiri hwavaNkomo uye vanokudza basa rose ravakaita munhoroondo yerusununguko rwenyika.

VaBernard Manyadza avo vaizivikanwa nezita rekuhondo rekuti Parker Chipoyera vaive nhengo yeHigh Command yemauto eZimbabwe African National Liberation Army kana kuti ZANLA.

VaManyadza vanotsinhirawo maonero aVaMutambara vachiti vatungamiri vose kusanganisa VaMugabe vanofanirwa kudzidza kuramba vachikoshesa zvido zvevanhu sezvaiitwa naVaNkomo.

Panguva yehondo VaNkomo nebato ravo reZAPU vakaumba hukama hwakasimba nenyika dzakawanda kunyanya yeRussia iyo yainzi Soviet Union, izvo zvakapa kuti vanzi nevekunyika dzekumadokero vaitevera gwara renyika iyi reCommunism uye vaida kukurudzira mafungiro aya kuchamhembe kweAfrica.

Mwanakomana waVaNkomo VaSibangilizwe Nkomo vanoti baba vavo vaisave muCommunist asi kuti vaida kuti vanhu vatema vawane kuzvitonga vachiwana kodzero dzavo dzakakwana sezvaiitwa nevechiChena.

Panyaya yemhuri VaSibangilizwe Nkomo vanoti baba vavo vaive munhu ane rudo uye aiedza nepose paaigona napo kuriritira mhuri yake zvisinei nekuzvipira kwavaive vakaita kunyaya yehondo yerusununguko.

VaSibangilizwe Nkomo vanoti mhuri yavo yakamboomerwa nezvinhu apo baba vavo vaive mujeri kwemakore gumi.

Asi vanoti amai vavo, mushakabvu Joanna Nkomo vaive mukadzi aive akangwarirawo kuriritira mhuri yake vasingagarire maoko.

Amai vedu vaive munhu aishanda nesimba. Vakashandisa pfungwa dzavo kuti vaone kuti hunyanzvi hwavo hwekusona nekubika huite kuti vatiwanire mari yekuenda kuchikoro. Taibatsirwawo nemadzisahwira ababa pano nepapo. Kunewo vesangano reChristian Care avo akabatsira nekutibhadharira mari yechikoro patakange tave kusecondary.

Nhoroondo yehupenyu hwaVaNkomo inogona kuonekwa nenzira dzakasiyana-siyana nevanhu akasiyana-siyana.

Asi panguva iyo veruzhinji vari kuchema-chema nekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika, zviri pachena kuti vanhu vakawanda vanorangarira nerukudzo rukuru, kuzvininipisa pamwe nekurwira zvido zvevanhu kwakaitwa negamba guru iri.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG