WASHINGTON —
Pastor Evan Mawarire avo vakatungamira kuramwa mabasa nemusi weChitatu vanoti hurumende ikasatambira zvavari kuda kuti zviitwe vacharonga kumwe kuratidzira svondo rinouya nemusi weChitatu neChina.
VaMawarire vakati vari kuda kuti makurukota ehurumende ari kupomerwa mhosva dzehuori vamiswe pamberi pematare, vashandi vatambiriswe mari dzavo nengua, hurumende yobvisa mutemo wekurambidza vanhu kutenga zvekudya kunze kwenyika pamwe nekumira nyaya yekuparura mari dzemabond notes.
Hurumende yakamboyedza kudzivisa vanhu kuti vasaratidzire kusanganisa kuvhara dandemutande reWhatsapp asi zvose zvakaramba n'anga murapwa achida.
VaMawarire vanoti vanhu vanofanira kuratidzira murunyararo vasingapwanye zvinhu.