Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voratidzira muHarare Vachirwisana neMapurisa


Zvinhu zvinonzi zvafuma zvakaita manyama amire nerongo muHarare nenzvimbo dzakapoteredza sezvo vemakombi nevanhuwo zvavo vari kurwisana nemapurisa.

Zvinonzi pane bata murefu bata mupfupi munzvimbo dzakaita seHatfield, Epworth, Ruwa, Zimre Park, Mabvuku neTafara. Vanhu vakawanda vanonzi vatotadza kuenda kumabasa nekuda kwekurwisana uku. Mapurisa ari kukandira vanhu hutsi hunokatyidza uku vanhu vachikanda matombo. Vemakombi vakamboratidzirawo kwaMutare vachigunun'una nenyaya yehuori yavanoti iri kuitwa nemapurisa uye maroad blocks avanoti akawandisa mumigwagwa.

Kurwisana uku kuri kuuya kunyangwe vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF vari gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere vakayedza kutyisidzira vanhu vanoratidzira nemhirizhonga.

Izvi zvakatevera kuratidzira kwakaitika kuBeitbridge nemusi weChishanu vanhu vachiramba kutambira chirongwa chehurumende chekurambidza kupinda munyika zvimwe zvinhu zvinotengwa nevanhu kuSouth Africa nemutengo wakaderera zvozotengeswa muZimbabwe. Vanhu makumi manomwe nevaviri vakasungwa vamwe gumi nevanomwe vakamiswa pamberi pedare nemusi weSvondo.

Tichakupai zvizere munguva pfupi inotevera.

XS
SM
MD
LG