WASHINGTON —
Vechidiki veZanu-PF Youth League nhasi varatidzira muHarare vachiti havasi kufara nekumwe kuratidzirwa kuri kuitwa neveHash Tag This Flag uye veTajamuka.
Kuratidzira uku kunotevera mashoko emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nezuro ekunyomba Pastor Evan Mawarire avo vari kutungamira Hash Tag This Flag.
Vanotungamira vechidiki mubato reZanu-PF VaKudzai Chipanga ndivo vari kutungamira kuratidzira uku. Vamwe vanhu vanotengesa mumigwagwa vanoti vamanikidzwa kufora.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kuratidzira zvichiti hazvisi kufara nehutongi hwaVaMugabe munyika dzakaita seAmerica, Scotland, Canada, Australia, South Africa, Britain nedzimwe.