Pastor Evan Mawarire avo vakazvipira kumapurisa nezuro vachibva vasungwa vave kupomerwa mhosva yakakomba yekuda kutyora bumbiro remutemo nekukurudzira kupidigurwa kwehurumende.
Izvi zviri kuitwa pasi pechikamu chechimakumi maviri nemaviri, Section 22 (2) of the Criminal Law (Codification and Reform) Act.
Magweta anorwira kodzero dzevanhau anoti ari kushamisika nemhosva iyi sezvo VaMawarire vachikurudzira vanhu kuti varatidzire murunyararo.
Vanhu vakawanda kubva kumarudzi ose vauya kudare redzimhosva kuzotsigira Pastor Mawarire.
Mapurisa akawanda anorwisa mvonga mupopoto ange ari panze pedare achirambidza vanhu kuimba.
Nyaya yekutongwa kwaVaMawarire iri kuenderera mberi mudare ramejastiriti muHarare.
Nhasi mamwe mabhizimisi mashoma akavharwa