Accessibility links

Breaking News

VeMapato Anopikisa neAmnesty International Voshora Kusungwa kwaPastor Mawarire


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mapato anopikisa munyika abatana nesangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International kushora zvikuru hurumende yeZimbabwe nekusunga Pastor Evan Mawarire nemusi weChipiri.

Amnesty International inoti kusungwa kwaPastor Mawarire zvakanangana nekuda kumbunyikidza kodzero dzevanhu muZimbabwe.

Mutevedzeri wemukuru musangano reAmnesty International VaMuleya Mwananyanda mumashoko avo kuvatori venhau nemusi weChipiri vakati kusungwa uku kwakananganawo nekuda kuti vanhu vasaratidzira.

“Kusungwa uku kwakanangana nekuda kutyisidzira vanhu munyika nekutyira kuti vanhu vanozoratidzira nemusi weChitatu."

VaMwanayanda vashorawo nyaya yekusungwa kwevanhu vanodarika mazana matatu mushure mekuratidzira murunyararo kwakaitwa nevanhu munyika nemusi weChitatu svondo rapera.

Amnesty International yati Zimbabwe inofanira kuteerera zvichemo zvevanhu vakaita saVaMawarire sezvo vaine kodzero pasi pebumbiro remitemo uye zvisungo zvakanyoreranwa pasi nehurumende nemasangano ekunze akaita seUnited Nations.

Zvichakadaro mutungamiri weZAPU VaDumiso Dabengwa nemusi weChipiri vakashanyira musha weBurombo Flats muBulawayo uyo une mwana akashaya mushure mapurisa apomerwa mhosva yekukanda hutsi hunokatyidza kana kuti tear gas mumba maainge ari.

Tichiri panyaya iyi, bato reMDC-T rashora zvikuru mapurisa nekusunga kwaaita Pastor Mawarire. MDC inoti mapurisa anofanira kutevedzera mutemo omira kutyora kodzero dzevanhu.

Mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party VaTendai Biti vakurudzirawo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti vasiye basa nedare ravo remakurukota vachiti vakundikana kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika. VaBiti vatiwo mapurisa anofanira kuburitsa VaMawarire muhusungwa.

Kunyangwe hazvo vakawanda vari kushora hurumende nekusunga vanhu vari kuratidzira, hurumende haisi kududza.

Gweta riri kumirira mutauriri weTajamuka rimwe sangano riri kuronga kuratidzira VaPromise Mukwananzi, VaTrust Maanda vanoti mapurisa anoti vari kutsvaga vamwe vechidiki makumi maviri nemaviri vachivapomera mhosva yekuba zvinhu muzvitoro apo vanhu vairatidzira

Hurukuro naVaTrust Maanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, nhengo yedare reparamende yeBulawayo East Muzvare Thabitha Khumalo veMDC-T vakambobvunzurudzwawo nemapurisa muBulawayo neChipiri vachinzi vane chekuita neveTajamuka asi vanoti vakaramba mhosva yavaipomerwa iyi.

Hurukuro naMuzvare Thabitha Khumalo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG