Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights riri kushora zvikuru kusungwa kwenhengo dzeZimbabwe National War Veterans’ Association nenyaya yekushora mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Vakasungwa mutauriri wesangano iri VaDouglas Mahiya uye munyori mukuru wesangano revakarwa hondo ava VaVictor Matemadanda.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu Muzvare Rose Hanzi vaudza Studio 7 kuti zviri pachena kuti hurumende iri kungombunyikidza nekutyora kodzero dzevanhu.
Sangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association rakaita musangano kuRaylton Sports Club muHarare nemusi svondo rapera nemusi weChina rikaburitsa gwaro kuvatori venhau kana kuti Communique vachiti vave kugura muchato naVaMugabe.
Vakarwa hondo ava vakati VaMugabe vatadza kurwisa nyaya dzehuori uye vari kusiya vakarwa hondo vachinonga svosve nemuromo.
Gwaro iri rakatiwo vakarwa hondo vari kudzingwa mubato uye kudzvinyirirwa. Vatiwo VaMugabe ndivo havo vega nevamwe vashoma vavari kushandisa vakagara zvakanaka vamwe vakarwa hondo yerusununguko vachitambura.