Accessibility links

Breaking News

Pastor Evan Mawarire Vosungwa neMapurisa


Pastor Evan Mawarire
Pastor Evan Mawarire

Pastor Evan Mawarire avo vari kutungamira Hash Tag This Flag iri kuratidzira munyika kuti hurumende igadzirise zvinhu zvaenda kumawere vasungwa nhasi nemapurisa.

Gweta ravo, VaHarrison Nkomo nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti mapurisa aenda kumba nekuchechi kwaPastor Mawarire achiti ari kutsvaga humbo hwakaita seheremeti yamapurisa yakapwanywa, nemboma dzemapurisa uye zvimwe zvinyorwa. Asi vati mapurisa haana chaaona.

Pastor Mawarire avo vazvipira kumapurisa mangwanani anhasi vari kupomerwa mhosva yekuti vakakonzera mhirizhonga svondo rapera pakuratidzira kwakaitwa nenyika yose nemusi weChitatu.

Asi Pastor Mawarire mumavhidhiyo ose avange vachiita vange vachikurudzira vanhu kuti varatidzire murunyararo. Vari kudaidzira zvekare kumwe kuratidzira mangwana nemusi weChina.

Mapurisa pari zvino anonzi ari kumba kwaPastor Mawarire uko vari kusecha uye vakavasunga necheni.

KuBulawayo mapurisa anonzi ari kubvunzuruddzawo nhengo yeparamende yeMDC-T Muzvare Thabith Khumalo avo vari kupomerwawo mhosva yekupesvedzera vanhu kuti varatidzire.

Tichakupai zvizere na 7 pm pano paStudio 7

XS
SM
MD
LG