Accessibility links

Breaking News

VeChidiki veZanu-PF Votyisidzira neMhirizhonga veHash Tag This Flag neTajamuka


Vanoona nezvekurongwa kwemisangano muZanu PF Youth League, VaInnocent Hamandishe, vanoti vechidiki vebato ravo havasi kuzopeta maoko vachiona mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachitsoropodzwa nemasangano akaita seTajamuka neHash Tag This Flag.

VaHamandishe vakataura mashoko aya pakuratidzira kwakaitwa nebato ravo muHarare nemusi weChitatu.

Vakati vakazvipira kurwisana nenhengo idzi kana mapurisa akasavasunga pavanenge vachiratidzira mumigwagwa. Nhengo dzeTajamuka nedze Hash Tag This Flag dzakakurudzira veruzhinji mazuva mashoma adarika kuramwa mabasa kwakaita kuti zvinhu zvimire nemusoro munyika yose.

Bato reZanu PF rakazivisawo kuti richapa nzvimbo dzekuvakira dzimba kana kuti ma stands kune vechidiki vebato iri senzira yekuzadzikisa zvakavimbiswa nemutungamiri wenyika VaMugabe pavaitsvaga rutsigiro.

Zviuru nezviuru zvevatsigiri veZanu PF zvakafora kubva kumahofisi epurovhinzi yebato iri ari mudhorobha zvakananga kumuzinda webato iri zvichimba nziyo dzekurumbidza VaMugabe.

Pavakasvika pamuzinda webato ravo, vatsigiri veZanu PF ava vakapihwa mashoko nemutevedzeri wemunyori muboka revechidiki rebato iri kana kuti Youth League, VaKudzai Chipanga, avo vakazivisa kuti vechidiki veZanu PF vachapihwa ma stands kunzvimbo dzakakomberedza Harare dzinoti Chishawasha, Manyame Park neku Norton.

VaChipanga vakazivisa zvakare kuti bato ravo rakatotora rimwe purazi kuBulawayo kwavati kuri kutogadzirwa kuti vechidiki vapihwe nzvimbo dzekuvakira dzimba dzavo.

Vaenderera mberi vachiti bato ravo rave kutotsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzemuna 2018.

Hurukuro naVaKudzai Chipanga
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Umwe wechidiki anotsigira Zanu PF, VaGibson Munyikwa, vaudza Studio 7 kuti vafara zvikuru nedanho ratorwa nebato ravo iri. Zvichakadai, vamwe vechidiki vakaita saVaMalvern Chikukwa avo vanogara muHarare vati hazvivafadzi kuti nhengo dzeZanu PF chete ndidzo dzichapihwa nzvimbo dzekuvakira dzimba vachiti munhuwese ane kodzero yekuwana pekugara.

Zvichakadaro, mutauriri webato reTajamuka VaPromise Mkwananzi vati vavasi kuzodzokera kumashure nekurwisana nehurumende kuti igadzirise matambudziko akatarisana neveruzhinji munyika.

Hurukuro naVaPromise Mkwananzi
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichitevera kufora kwakaitwa nevechidiki veZanu PF, MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yaburitsa mashoko ekutsoropodza mapurisa nekubvumira vechidiki veZanu PF ava kufora vasina kupihwa mvumo.

Bato iri rati zvinorwadza kuti mamwe mapato nemapoka asingatsigire hurumende anoona ndondo kana achida kuratidzira.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG