Mutauriri weTajamuka, VaPromise Mkwananzi avo vakazvipira kumapurisa nemusi weChishanu vave kugara mutirongo mushure mekunge mutongi wedare ramejastiriti muHarare ati haasi kunzwa zvakanaka akati nyaya iyi izonzwikwa neMuvhuro.
VaMkwananzi vakaenda kunozvipira kumapurisa negweta ravo VaTrust Maanda vanova nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights kana kuti ZLHR.
Rimwe rinova nhengo yeZLHR, VaJerremiah Bamu vakaudza Studio 7 kuti pavakaenda kumapurisa ekuHarare Central neimwe nyaya yavanhu vakasungwa mukuratidzira kwemusi weChitatu, vakaudzwa kuti mapurisa ari kutsvaga VaMkwananzi uye Pastor Evan Mawarire veHash Tag This Flag. Mapurisa ainge ambobvunzurudzawo VaStern Zvorwadza avo vari kutungamirawo kuratidzira munyika.
VaMkwananzi vakaudzawo Studio 7 kuti vainge vakazvipira kuenda kumapursa nekuti kuratidzira kwavari kuita kunotenderwa nebumbiro remutemo.
Pastor Mawarire vakaudzawo Studio 7 kuti pane vanhu vari kuvafonera vachiva tyisidzira uye kuvatevera nekuuya kuhofisi yavo.
Mapuria akasunga vanhu vanodarika mazana matatu uye ari kutsvaga kusunga vamwe nekuyedza kudzisiva kumwe kuratidzira kwadaidzirwa nemusi weChitatu nemusi wechina svondo rinouya.
Vari kuratidziora vanoda kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vaferefete vari kuita zvehuori zvikuru makurukota avo, kutambirisa vashandi vehurumende mari dzavo dzemihoro nenguva uye kubvisa mutemo uri kurambidza kupinda kwezvinhu munyika zvakaita sezvekuduya zviri kutengeswa nevanhu kuti vararame. Vamwe vari kutiwo VaMugabe ngavasiye basa nekuti vakundikana.
Asi VaMugabe nemusi weChishanu vakave nemukana wekutaura nezvezvichemo izvi apo vakaita musangano kunhandare yeChipadze kuBindura asi vakangoti zvinhu zvaoma nekuti Zimbabwe yakatemerwa zvirango nevekunze.