Accessibility links

Breaking News

VaChamisa naVaMudzuri Vodomwa Kuitwa VaTevedzeri VeBato reMDC


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaMorgan Tsvangirai vadoma VaElias Mudzuri naVaNelson Chamisa sevatevedzeri vavo.

Vachitaura kumba kwavo kuHarare nevatori venhau VaTsvangirai vati zvavaita zvido zvebato ravo, “Kudoma kwandaita vaviri ava kunotevera kurudziro yakaitwa neNational Council nezuro."

Vaviri ava pamwe naAmai Thokozani Khupe vachandibatsira kugadzirira sarudzo dzemuna 2018.

Izvi zvave kureva kuti VaTsvangirai vanenge vave nevatevedzeri vatatu kusanganisa Amai Khupe. Kudomwa kwaVaChamisa naVaMudzuri kunotevera misangano miviri yakaitwa nezuro yeNational Council neNational Executive.

VaTsvangirai vakazivisa mwedzi wapera kuti vainge vaine chirwere chegomarara rematumbu asi vakaudza Studio 7 kuti havasi kuzosiya basa uye vanotarisira kunaya sezvo vari kudaira mushonga. Tichakupai zvizere nezvenyaya iyi muteerere Studio 7 na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 kilohertz pa short wave

XS
SM
MD
LG