Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaDouglas Mahiya vanoti vanofungidzira kuti kudzingwa kwavo mubato kwakakonzerwa nevamwe vechikwata chinozviti Generation 40 cheZanu-PF.
Zanu-PF yakati vanhu vapfumbamwe vakadzingwa vainge vasingatevere gwara remusangano.
Chikwata cheG40 chinonzi chinotsigira mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe uye dzimwe nhengo dzechikwata idzi dzinosanganisawo vanoona nezvegwara remusangano VaSaviour Kasukuwere, mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko uye gurukota rezvedzidzi yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo.
Chikwata ichi chinonzi makara asionane nechimwe chikwata chinonzi chinotungamirwa nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Zvikwata izvi zvinonzi zviri kurwira kuti ndiyani achatora chigaro chaVaMugabe kana vasiya basa.
Asi Amai Mugabe naVaMnangagwa vanoramba kuti vane zvikwata zvavari kutungamira.
VaMahiya vaudza Studio 7 kuti havada kudaidzwa kudare kwaitongwa nyaya yavo kana kupihwa tsamba yekuti vadzingwa. Asi vati havasi kuzoshaya hope vachiti havasi uzokwira dare vachipikisa kudzingwa kwavo.
Vakadzingwa vanosanganisa munyori mukuru wesangano reZNLWA VaVictor Matemadanda, uye vanoona nezvegwara resangano iri VaFrancis Nhando uye mutevedzeri wasachigaro VaHeadman Moyo.
Zvichakadaro, dare repamusoro reHigh Court rakarambidza rimwe boka revakarwa hondo rinotungamirwa naAmai Mandi Chimene kuita sarudzo dzekubvisa vatungamiri veZNLWA.
Izvi zvinotevera kurudziro yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe yekuti paitwe sarudzo itsva.