Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veMDC-T Vorohwa paRufu neVatsigiri veZanu-PF kuShamva


VaMorgan Tsvangirai naVaRobert Mugabe.
VaMorgan Tsvangirai naVaRobert Mugabe.

Vamwe vatsigiri veMovement for Democratic Change vakarohwa zvakaipisisa nemusi weChina kuMadziva, Shamva North, Mashonaland Central nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Vanhu ava vakarohwa vachiviga imwe nhengo yebato iri yeWomens Assembly amai Evangalista Kaundikisa.

Vamwe vakarwiswa vanosanganisa Senator Lilian Timveos. Asi mumwe mutsigiri weMDC-T Memory Mbondiya anonzi akakuvara akaendeswa kuchipatara. Amai Timveos vakaudza Studio 7 kuti vakatanga vatyisidzirwa kuti vainge vakapfeka hembe dzeMDC- T vasati vatanga kurwiswa.

"Ini ndakapona nepasaka reshumba sezvo ndakapotswa nedanda ndichida kurohwa. Ndakadonha ndokuzobatsirwa nevamwe vebato rangu." Mai Timveos vakadaro.

Vatsigiri veZanu-PF vanonzi vainge vasingadi kuti muchakabvu avigwe kumusha kwake uko vange vachiti hakuvigwe vanhu vanobva kubato rinopikisa.

Mufi akatozovigwa mushure mekunge kwauya mapurisa kubva kuShamva Police Station.

Mhirizhonga yezvematongerwo enyika inende yave kuramba ichiwedzera munyika ichinzi nevakawana iri kukonzerwa nevebato reZanu-PF.

Vatsigiri veZanu-PF mumasvondo maviri apfuura vakarwisa vatsigiri veMDC-T kuKambuzuma nemusi weSvondo uye vakarwisawo vatsigiri veZimbabwe People First kuChinhoyi nemusi weChitatu.

VaGilbert Kagodora, nhengo yeMDC yange iri parufu urwu vati Zanu-PF inotya kuti MDC ipinde mudunhu iri nekutya kukundwa musarudzo.

Hurukuro naVaGilbert Kagodora
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapurisa ekuShamva anonzi akangonyora mazita evanhu vanonzi vainge vaita mhirizhonga vakati vachaaendesa kuLaw and Order. Hatina kukwanisa kubata mapurisa aya kuti tinzwe divi ravo.

XS
SM
MD
LG