Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kutarisirwa kuenda kuGhana svondo rinouya kubva musi wa18 kusvika 22 uko vachapihwa chiremerera chepamusoro chekurwisa hupambefpumi kana kuti Millennium Life Time Achievement.
Chiremera ichi vari kuchipihwa nemutungamiri wenyika yeGhana VaJohn Mahama.
Munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaMike Bimha vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti VaMugabe vari kupihwa chiremera ichi asi vakati titaure naAmbassador Jonathan Wutaunashe avo vanzi vange vari mumusangano.
Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition VaJoy Mabenge vanoti ruremekedzo rwakadai rwunoratidza kuti vamwe vekunze havasi kunzwisisa zviri kuitika muZimbabwe umo vakawanda vari kuratidzira vachiti havasi kufara nematongero aVaMugabe.
Hupfumi hwenyika hwaenda kumawere uye vakawanda vanoti zviri kukonzerwa naVaMugabe avo vasiri kusunga vanoita zvehouri uye mitemo yavo yopa kuti vakawanda varambe kudyidzana neZimbabwe.