Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanonzi havana kuenda kuGhana sezvange zvakatarisirwa. Kusaenda kwaVaMugabe uku kuri kuuya kunyangwe hazvo Ghana yange yatoisa mifananidzo muguta rose reAccra ichiti VaMugabe vari kushanya.
VaMugabe vange vachitarisirwa kusvika muGhana nezuro nenguva dza 4.00 masikati murwendo rwemazuva mana.
Mutungamiri weGhana vaJohn Mahama vange vachitariswirwa kupa VaMugabe chiremera cheMillennium Lifetime Achievement Award nebasa ravakabatwa muhondo yeChimurenga muZimbabwe.
Kunyangwe hazvo VaMugabe vasina kuenda, mabiko ange akarongwa anonzi ari kuenderera mberi. Vamwe vari kupihwa mubayiro uyu vanosanganisa Dr Kwabene Dafuor, Dr Joseph Siaw Agypong, Emmanuel Adebayo nevamwe.
Mapepa nhau emuGhana anoti haasi kuziva kuti sei VaMugabe vasina kuuya achiti hapana chikonzero chapihwa. Asi vamwe veCity News kuGhana vanoti vasina kuda kudomwa mazita ku muzinda weZimbabwe kunyika iyi vati VaMugabe vakundikana nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.
Asi svondo rapera bepanhau reZimbabwe Independent rakti vana chiremba vaVaMugabe vakauya kubva kuSingapore sezvo vange vasinganzwe zvakanaka.
Vemapepanhau nenhepfenyuro dzose dzehurumende munyika havana kutaura nezve kukundikana kuenda kuGhana kwaVaMugabe uku.