Amai Hillary Clinton vapinda munhoroondo yeAmerica vachiva mudzimai wekutanga kusarudzwa kutungamira bato guru musarudzo dzemutungamiri wenyika.
Amai Clinton vakatambira zviri pamutemo kusarudzwa uku mudunhu rePhiladelphia nemusi weChina manheru.
Amai Clinton vari kukukwidza musarudzo dzemuna Mbudzi idzi neshoroma iri kumirira bato remaRepublcans VaDonald Trump.
Amai Clinton vakashora VaTrump vachiti havana gwara rakajeka rekuti vakakunda vanoita sei kugadzirisa nyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi. Vakati chido chavo ndechekuumba hupfumi hwakasimba
Sarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica dziri kuitwa muna Mbudzi kusarudza achava mutungamiri wechimakumi mana kutungamira nyika .
VaTrump avo vanozivikanwa nenyaya dzemitambo mumaterevhizheni vane makore makumi manomwe ekuberekwa uye havasati vambosarudzwa pachigaro chine chekuita nenyaya dzezvematongerwo enyika.
Asi Amai Clinton, mudzimai wevaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaBill Clinton uye vakasarudzwa kuva Senator weNew York vakazoitawo munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mudare remakurukota raVaBarack Obama. Vaviri ava vari kutarisirwa kuita gakava mukupera kwaGunyana.
MuZimbabwe pari zvino mune madzimai matatu ari kutungamira mapato ezvematongerwo enyika anoti Amai Joyce Mujuru veZimbabwe People First, Amai Marcellina Chikasha vanotungamira bato reAfrican Democratic Party naAmai Barbra Nyagomo veProgressive Democrats of Zimbabwe.