NeChitatu, mitambo ye2016 Rio Olympics yasvika muzuva reshanu paine mitambo yanakidza vanhu vakawanda kusvika parizvino.
America ndiyo yawanda mamenduru akawanda kusvika parizvino iine menduru makumi maviri nemanomwe ichiteverwa neChina ine zvikamu gumi nenomwe, Japan ine menduru gumi neina kuchiti Russia ine mamenduru gumi nenhatu.
Mutihwini ane mukurumbira pasi rose, Michael Phelps naKatie Ledecky vose vekuAmerica ndivo vari kushura mare kumakwikwi aya. America ndiyo iri kutungamira pamamenduru parizvino. Mitambo yange iriko yakamira zvakadai.
Kutihwina
Ledecky nhasi ari kutungamira America mumakwikwi e 4x200 meter freestyle relay final. Mumakwikwi aya America ndiyo ine menduru yegoridhe mushure mekukunda muma 2012 London Olympics.
Phelps uyo akwanisa kutora menduru dzegoridhe makumi maviri neimwe achakwikwidza zvekare mumakwikwi e4x200 nemusi weChina.
Phelps akakunda Chad le Clos we ku South Africa nezuro mumutambo wange wakatarisirwa nevakawanda pasi rose sezvo Clos akakunda Phelps mumakwikwi akaitirwa kuLondon makore mana apfuura.
Nhabvu
Brazil inofanira kukunda Denmark nhasi sezvo ikakundikana inenge yabuda mumakwikwi aya. Mutambo uyu urikutambwa na 4 mangwanani.
Gymnastics
Kunyangwe America yakatora menduru yegoridhe nezuro pamakwikwi ezvikwata, Kohel Uchimura ari kutarisirwa kutora menduru yegoridhe pavatambi vakazvimirira voga kana kuti
individual all-around event. Makwikwi aya anotanga na 10 manheru.
Mijaho yemabhasikoro.
Mihajo yevarume nevakadzi yekuchovha mabhasikoro yatanga mangwanani
Basketball
America iri kutamba neAustralia nenguva dza 12 manheru ano. America ndiyo iri kutarisirwa kutora menduru yegoridhe mumitambo iyi. Mimwe mitambo iriko inosanganisa 50 meter pistol shooting, yemumvura yeslalom canoeing, judo uye table tennis.
Zvimwe zvakabuda neChipiri
Phelps ndiye mutambi munhoroondo yemaOlympics akwanisa kutora menduru dzakawanda sezvo ave nemenduru makumi maviri neimwe.
Mutihwini wekuHungary Katinka Hosszu akawana menduru yegoridhe mumakwikwi e200 meters mushure mekukunda mumakwikwi e400 meter individual medley nemusi weMugovera.
Mukusvetukira mumvura kana kuti diving, Chen Roulin na Liu Huixia vekuChina vakatora goridhe, China haisati yambokundwa makiwkwi aya. Mujudo,Khasan Khalmurzaev ndiye akatora menduru yegoridhe. Kumadzimai, Tina Trstenjak wekuSlovenia ndiye akatora goridhe.
Mumitambo yekushandisa mapanga kana kuti epee, Sangyoung Park wekuSouth Korea ndiye akatora goridhe.