Gurukota rinoona nezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu amai Prisca Mupfumira vanoti hurumende haisi kubhadharisa vanhu mari kuti vapihwe chikafu.
Mashoko aya anotevera kuchema chema kuri kuita vanhu kumaruwa vachiti vari kunzi vabhadhare mari dzekutakura chibage nechimwe chikafu.
Amai Mupfumira vati bazi ravo rakagadzirira kuongorora nyaya dzakadai kana dziripo.
Munzvimbo yeWard 2 kuChegutu East vanhu varikugunun’una kuti vari kubhadhariswa dhora nakanzura wavo uye vamwe vanoti vari kufunga kuti zviri kuitwa ndezvehuori. Chikafu chekuChegutu ichi chinonzi chiri kubva kusangano rakazvimirira rinonzi Care.
Hatina kukwanisa kubata vecare kuti tinzwe nezvenyaya divi ravo.
Amai Mpfumira vati hurumende haina hayo zvakawanda zvaingaite panyaya yechikafu chemasangano akazvimirira oga asi vati vanhu vakasungunuka kutaura navo nezvenyaya iyi.
Vanhu vanodarika mamiriyoni mana munyika vakatarisana nedambudziko rechikafu zvichikonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura.