Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Ropa Mutongo neChipiri paNyaya yeNhengo dzeMDC-T Dziri Kupomerwa Mhosva yeKuponda Mupurisa.


Amai Beatrice Mtetwa
Amai Beatrice Mtetwa

Dare reHigh Court nemusi weChipiri riri kutarisirwa kutura mutongo waro pane vanhu vanomwe kubva pavanhu makumi maviri nevapfumbamwe vakasungwa kuGlenview makore mashanu apfuura vachipomerwa mhosva yekuuraya mupurisa Inspector Petros Mutedza musi wa 29 Chivabvu 2011.

Mutongo uyu wainge wambonzi uchaturwa musi wa 1 Gunyana usati waendeswa mberi. Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights kana kuti ZLHR rinoti vanomwe ava vanosanganisawo kanzura weWard 32, kanzura Tungamirai Madzokere.

Vanomwe ava vari kumiririrwa nenhengo ye ZLHR varizve sachigaro wesangano iri Amai Beatrice Mtetwa.

Vanhu ava vakatongwa nechikamu chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act. Vachuchusi vehurumende vanoti vanhu ava vaiimba nziyo dzeMDC-T vachinyomba mapurisa nekukanda matambo vachitema Inspector Mutedza zvakazoita kuti vashaye.

Mumwe ari kupomerwa mhosva iyi ndiVaLast Maingehama avo vakaburitswa pavhidhiyo yakaturwa naAmai Mtetwa kudare vatori kugungano rekereke ye Untied Family International Church musi wakafa VaMutedza uyu.

Vamwe makumi maviri nevaviri vakaregererwa pakapera nyaya iyi asi mumwe, Muzvare Rebecca Mafikeni vakashaya mushure mekurwara vari mujeri reChikurubi.

XS
SM
MD
LG