Accessibility links

Breaking News

VaMliswa Voronga kuKwirira ZEC neMapurisa kuMatare eDzimhosva


VaTemba Mliswa
VaTemba Mliswa

Vari kukwikwidza vakazvimirira musarudzo dze by-election kuNorton VaTemba Mliswa vanoti vari kuronga kuendazve kumatare vachiti havasi kufara nezviri kuitwa neZimbabwe Electoral Commission nemapurisa zvekuramba vachi vakanganisa kutsvaga rutsigiro murunyararo.

VaMliswa vanoti mapurisa ari kurambazve kusunga vatsigiri veZanu-PF vanofungidzirwa kuti vanenge vashungurudza vatsigiri vavo.

Dare repamusoro svondo rapera rakati mapurisa anofanira kupa VaMliswa mukana wekutsvaga rutsigiro murunyararo. Asi vanoti izvi hazvisi kutevedzerwa.

Vatiwo mamiriro akaita sarudzo dzekuNorton munongedzo wekuti muna 2018 sarudzo dzichabirirwa.

Vamwe vari kukwikwidzana naVaMliswa ndiVaRonald Chindeza veZanu-PF uye VaDavid Choga veNCA.

Sarudzo dzekuNorton dziriko musi wa 22 Gumiguru uye dzinotevera kudzingwa mubato kwakaitwa VaChristopher Mutsvangwa vachipomerwa mhosva yekusatevera gwara rebato.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.

Sachigaro weZEC Amai Rita Makaru avo vari kuNamibia vaudza Studio 7 kuti ivafonere neMuvhuro.

Hurukuro naVaTemba Mliswa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG