Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vorohwa neKusungwa Mushure Mekuratidzira Nyika Yose


Vanhu vachiratidzira muBulawayo
Vanhu vachiratidzira muBulawayo

Vanhu vakawanda kusanganisa nhengo dzedare reparamende reMovement for Democratic Change vasungwa kana kurohwa nemapurisa mukuratidzira kwaitwa nhasi munzvimbo dzakawanda nemapato ezvematongerwo enyika ari pasi pemubatanidzwa unonzi National Electoral Reform Agenda kana kuti NERA.

NERA mubatanidzwa wemapato gumi nemasere ezvematongerwo enyika uri kuda kuti mitemo yesarudzo ivandudzwe. Mapato aya anosanganisa MDC-T, Zimbabwe People First, PDP, Transform Zimbabwe, MDC-N, ADP nemamwe. nemamwe.

Mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T VaNelson Chamisa vanoti nzvimbo yavanomirira mudare reparamende yeKuwadzana yaguma yaita kunge nyika ine hondo apo mapurisa atanga kurova vanhu vange vachiratidzira.

Nhengo yedare reparamende muHarare Amai Ronia Bunjira vasungwa kuWaterfalls mushure mekubvunza mapurisa kuti sei ange achirova vanhu. Vanhu vanosvika gumi nemumwe vasungwa kuWaterfalls mushure mekuratidzira paParktown Shopping Centre.

MuBulawayo amai Thokozani Khupe vatungamirawo kuratidzira kwaitika mudhorobha iri.

KwaMutare nhengo yedare reparamende yeMutasa Central VaTrevor Saruvaka vasungwawo vachipomerwa mhosva yekuronga kuratidzira zvine mhirizhonga mukati. VaSaruvaka vaudza Studio 7 kuti vari paMutare Central Police Station.

Vange vasungwa kuGwanda (ZLHR)
Vange vasungwa kuGwanda (ZLHR)

​Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights kana kuti ZLHR rinoti rakabatana nereAbammeli Human Rights kusunungura vanhu gumi nevatanhatu vange vasungwa nemapurisa mushure mekuratidzira kuGwanda. Vange vasungwa vanosanganisa nhengo yeparamende yeMDC-T inomirira Gwanda Central Amai Nomathemba Ndlovu.

KuZvishavane mudunhu reMidlands magweta eZLHR arambidzwa kuona vasungwa. Vanhu vanomwe vasungwa kuKadoma mushure mekuratidzirawo uye vanhu vaviri vasungwawo kuChinhoyi. Vanhu varatidzirawo muGweru vachiti vanoda shanduko munyika.

Gweru
Gweru

Zvichakadaro, mutongi wedare repamusoro Justice Owen Tagu vaudza mapurisa kuti aregedze kudzivisa VaTemba Mliswa kuita misangano yavo yekutsvaga rutsigiro musarudzo dziri kuda kuitwa kuNorton.

VaTagu vati mapurisa anofanira kuona kuti hapana mhirizhonga inoitwa kana VaMliswa vachiita misangano yavo.

XS
SM
MD
LG