Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yonetsana neVanorwira Kodzero dzeVanhu neNyaya yeKupambwa kweVanhu


VaSilvanos Mudzvova
VaSilvanos Mudzvova

Zvinhu munyika zvinonzi zvaita manyama amire nerongo zvichitevera nyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika iyo yotangazve.

Pane vanhu vaviri vakapambwa muHarare vanoti VaKudakwashe Kambakunje naVaSilvanos Mudzvova, avo vakaitwa kafiramberi nekubayiwa majekiseni asingazivikanwe kuti ainge aineyi.

Vaviri ava vanofunga kuti vanhu vakavapamba vasori.

Vatsigiri vemapato eMDC-T vanotiwo vakarohwa vari mumaoko emapurisa mushure mekuratidzira muHarare.

NeSvondo, vatsigiri vebato reZimbabwe People First vakarohwawo kuGuruve kuMashaonaland West nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Sangano rinoongorora nyaya dzemhirizhonga reZimbabwe Peace Project rinotiwo nyaya dzemhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika dziri kuramba dzichipararira.

Vamwe vanoti sezvo mapurisa asiri kusunga vanhu zvave kuda kuti mapazi eUnited Nations nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu vekunze vapindire.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vanova chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, vanoti kana mapurisa akasasunga vari kutyora kodzero dzevanhu vanhu vanofanira kuenda kumasangano ekunze kunomhangara.

Asi nhengo yeZanu-PF ichimirira Makonde mudare reparamende VaKindess Paradza vanoti vanhu vari kuratidzira zvisiri pamutemo zvapa kuti vanetsane nemapurisa.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG