Amai Ngozi Okonjo-Iweala vekuNigeria vari kutarisirwa kuva mudzimai wekutanga uye munhu wekuAfrica wekutanga kutungamira sangano rezvekutengeserana pasi rose reWorld Trade Organization kana kuti WTO.
Vaimbova gurukota rezvevashandi Amai Petronella Kagonye vakasungwa nemapurisa neMugovera vachipomerwa mhosva yekutengesera vanhu nzvimbo dzekuvakira dzimba zvisiri pamutemo.
Kunyangwe hazvo bazi rezvehutano rakazivisa neMugovera kuti kwakafa vanhu gumi nevatatu nechirwere cheCovid-19, huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere ichi munyika huri kuramba huchiderera zvishoma nezvishoma.
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzehutano, reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti zvakakosha kuti hurumende itaure nezwi rimwe chete panyaya yekubayiwa kwevanhu nhomba yeCovid-19 uye kuti inopinda munyika riini.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vari kutarisirwawo mukutanga kwaKurume kuti vazeyewo zvakare kuti vowedzera here kana kuti kwete zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri vari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.
Mukuru wesangano revanorarama nekutengesa mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation kana kuti VISET, VaSamuel Wadzai, vanoti vari kufara zvikuru nekugadziriswa kwemusika weMbare Farmers Market.
Mumiriri weZengeza West mudare reparamende, VaJob Sikhala, vanoti vaibatwa semunhu akatongerwa rufu vari mujeri reChikurubi Maximum Prison umo vakabuda nemusi weChipiri.
Zimbabwe yakabana nedzimwe nyika dzepasi rino nezuro, Chipiri, mukucherechedza zuva rekuchengetedza matoro pasi rose, kana kuti World Wetlands Day.
Hurumende inoti ine hurongwa hwekuti nyaya yekushanyirwa kwenyika ive bhizimisi rinounza mari inosvika mabhiriyoni mashanu ekuAmerica panosvika gore ra2025
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuManicaland, Harare, Masvingo, Matabeleland North neSouth, Midlands nemamwe matunhu sezvo vanhu vave kurasikirwa nehupenyu uye midziyo zviri kukonzerwa nemafashamu emvura.
Kunyangwe hazvo bazi rezvehutano rakazivisa neMugovera kuti kwakafa vanhu gumi nevashanu nechirwere cheCovid-19, huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi munyika hunenge hwave kuderera zvishoma nezvishoma.
Vamwe vagari vekuChimanimani vanodarika gumi nevaviri vanonzi vakabatwa nechirwere cheCovid-19.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano vari munyori mukuru musangano ravanachiremba vakuru reSenior Hospital Doctors Association, VaAaron Musara, vari kukurudzira vanhu kuti vasiyane netsika yekuungana parufu vachidya vachiti izvi zvave kupa kuti vakawanda vatapurirwe chirwere cheCovid-19
Bazi rezvehutano rinoti pavanhu zviuru zvinomwe nemazana mana nemakumi masere nemasere kana kuti 7, 488 vari kurwara nechirwere cheCovid-19 parizvino, vanhu vari muchipatara mazana maviri ane gumi nevatatu kana kuti 213 uye vari kurwarisa vari muIntensive Care Unit igumi nevaviri.
Hurumende inoti pane mashoko enhema ari kutenderera kuti zvikoro zvichavhurwa musi wa15 Kukadzi kuitira kuti vadzidzi nevadzidzisi vamanikidzwe kubayiwa nhomba yeCovid-19.
Vanhu vakawanda vari kutambira kunaya kwemvura mwaka uno sezvo ivhu riri iro musimboti wehupfumi hweZimbabwe.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vari kutanga vhiki ravo rizere vari muhofisi mushure mekutoreswa mhiko nemusi weChitatu.
Mafashamu emvura nedutumupengo remhepo zvinonzi zvakauraya vanhu vatatu nekuparadza misha yakawanda kuManicaland asi zvave kuenda zvichiita nani.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nemusi weMugovera vakaita hurukuro nemutungamiri wehurumende yeBritain VaBoris Johnson.
Vanhu mazana maviri ane makumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 291 vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika mukati memazuva manomwe adarika.
Rodhai zvimwe