Accessibility links

Breaking News

Covid-19 Yokanganisa Kushanyirwa kweNyika Zvakanyanya Kudarika Mamwe Mapazi


Aerial view of one of the seven wonders of the world, Victoria Falls, June 24, 2019. (C. Mavhunga/VOA)
Aerial view of one of the seven wonders of the world, Victoria Falls, June 24, 2019. (C. Mavhunga/VOA)

Hurumende inoti ine hurongwa hwekuti nyaya yekushanyirwa kwenyika ive bhizimisi rinounza mari inosvika mabhiriyoni mashanu ekuAmerica panosvika gore ra2025.

Asi kuti izvi zvingakwanisike here?

Sangano rinoona nezvekushanyirana kwenyika pasi rose reUnited Nations World Tourism Organization kana kuti UNWTO rinoti kumbomiswa kenyaya dzekushanyirana nekuda kwechirwere cheCovid-19 kwapa kuti pasi rose rirasikirwe nemari inosvika 1,3 trillion.

Izvi zvapa kuti vanhu vanosvika mamiriyoni zana nemakumi maviri kana kuti 120 varasikirwe nemabasa munyaya dzekushanyirwa kwenyika pasi rose.

Mutungamiri weHospitality Association of Zimbabwe, VaClive Chimwanda, muhurukuro nemapepanhau akasiyana siyana vanoti vanotarisirawo kuti muna 2022 zvinhu zvinenge zvogadzikana munyaya dzekushanyirwa kwenyika.

Izvi zviri kuenderanawo nezviri kutaurwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi pasi rose.

Zimbabwe ine chinangwa chekuti kuti muore ra2025 nyaya dzekushanyirwa kwenyika dziunze mari inosvika mabhiriyoni mashanu chinonzi National Tourism Recovery and Growth Strategy.

Asi pari zvino VaChimwanda vanoti mahotera ane vanhu vashoma zvikuru kuVictoria Falls uye vakawanda varasikirwa nemabasa.

Ko hurongwa hwehurumende hwekumutsiridza nyaya dzekushanyrwa kwenyika hungashanda here?

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga, VaGilbert Muponda,, vanoti zvinokwanisika nekuti Zimbabwe ine nzvimbo dzekushanyira dzakawanda dzinosanganisira Victoria Falls, Masvingo, Kariba nedzimwe.

Asi VaMuponda vati panofanira kusimudzirwawo mabasa ekukurudzira vanhu vemunyika kuti vashanyire nzvimbo dzakasiyana siyana uye vanofanira kupihwa mihoro yekuti vakwanisewo kushanya.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru weLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti nekuda kwechirwere cheCovid-19, mutoro kuti Zimbabwe ikwanise kuwana mari inosvika mabhiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica panosvika 2025.

Vanodzidzisa paDurban University of Technology, Muzvinafundo Gift Mugano, vanotiwo pane matambudziko maviri pakumutsiridza nyaya yekushanyirwa kwenyika.

Dambudziko rekutanga vanoti inyaya yekuti Zimbabwe iri kusvibisa zita rayo nekumbunyikidza vanopikisa, vatiwo rimwe dambudziko ndereCovid-19 zvapa kuti vekunze vasapinde munyika.

Mashoko aya atsinhirawo nevanoongorora nyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Kuchera, avo vati Zimbabwe inotatarikawo kuzvishambadza.

Nyanzvi dzakawanda mmunyaya dzekushanyirwa kwenyika dzinoti nyaya yenhomba yeCovid-19 iri kupa kuti vave netariro yekuti nyaya dzekushanyirana dzichitanga zvekare.

Vari mumabasa ekushanyirwa kwenyika vanoti mitero yavari kubhadhariswa nehurumende yakati kwirei uye izvi zvinopa kuti zvinetse kuti vadzikise mutengo kuvashanyi vemunyika.

Vanhu vakawanda vanoti mahotera ari kuvabhadharisa mari dzakawandisa kana vashanya kuitira kuti vaone zviwanikwa zvakasiyana siyana.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG