Accessibility links

Breaking News

Mvura Younza Mufaro neKusuwa muZimbabwe


Villagers carry food for people taking care of their livestock in Tsholostho, about 200 kilometers north of Bulawayo, March 4, 2017.
Villagers carry food for people taking care of their livestock in Tsholostho, about 200 kilometers north of Bulawayo, March 4, 2017.

Vanhu vakawanda vari kutambira kunaya kwemvura mwaka uno sezvo ivhu riri iro musimboti wehupfumi hwenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kurima kunowanisa mabasa vanhu vari pakati pemakumi matanhatu nemakumi manomwe kubva muzana kana kuti 60-70%. Asiwo mvura ikawandisa inogona zvekare kunganisa hupfumi.

Kurima ndiko kunopawo maindastiri zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvinobva mukurima uye zvakawanda zvinotengeswa kunze zvinosvika zvikamu makumi mana kubva muzana zvounza mari yekunze inodiwa munyika.

Kurima kunounzawo zvikamu gumi nezvinomwe kubva muzana muhupfumi kana kuti 17% GDP.

Asi zvose izvi zvange zvavhiringidzwa nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura zvakapa kuti hupfumi hubva hwanyanya kuenda kumawere.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Kuchera, vati kunaya kwemvura kwakanaka sezvo kuchipa kuti vanhu vawane mvura yakanaka varimi vachikohwa pakuru zvinosimudzira hupfumi hwenyika.

Asi vati mafashamu ari kuitika ari kuratidza kuti hurumende haina kuisa parutivi vanenge vawirwa nedambudziko iri vakawanda vanozoguma vave mumatende.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Va Victor Bhoroma, vanoti goho rakanaka uye kunaya kwemvura kunopawo kuti mitengo yezvinhu isarambe ichiita chamurambamhuru.

Asi vanoti kuparadzwa kwezvivakwa zvakaita semazambuko, dzimba nezvikoro igangaidzwa kumukwenyi mhezi yavavira mudumbu.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Doctor Prosper Chitambara, vanotiwo sezvo kurima kwakakosha munyaya dzezvehupfumi zvinhu zviri kuratidza kuti zvichange zviri nani gore rino.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanoti vanotarisira kuti hupfumi hwenyika hukure gore rino nezvikamu zvinodarika zvinomwe kubva muzana kana kuti 7,4%.

Asi VaChitambara vanoti havaone hupfumi huchikwira nezvikamu izvi sezvo kunewo chirwere cheCovid-19 charura pasi rose chiri kukanganisa nyaya dzezvehupfumi.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG