Accessibility links

Breaking News

Vaimbova Gurukota Amai Kagonye neVamwe Vari Kutengesa Nzvimbo dzeKuvakira Zviri paMutemo Vosungwa


Amai Petronella Kagonye
Amai Petronella Kagonye

Vaimbova gurukota rezvevashandi Amai Petronella Kagonye vakasungwa nemapurisa neMugovera vachipomerwa mhosva yekutengesera vanhu nzvimbo dzekuvakira dzimba zvisiri pamutemo zvikuru munzvimbo yeGoromonzi kuMashonaland East vachishandisa kambani yavo yeGlorious Properties.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vatenda kuti Amai Kagonye vasungwa.

Bazi rinorwisa huori reSpecial Anti-Corruption Unit (SACU) rinoshanda muhofisi yemutungamiri wenyika rinoti kutanga mwedzi uno, vanhu vange vachitengesa nzvimbo dzekuvakira zvisiri pamutemo vanosvika makumi maviri nemumwe vachaendeswa kumatare.

Vanhu ava vanosanganisira vezvematongerwo enyika nevashandi vemumakanzura. Mukuru weharare Residents Trust VaPrecious Shumba vanoti vanotambira kusungwa kwevanhu vanoti zvehuori.

Hurukuro naVaPrecious Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG