Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neVatatu Vofa neCovid, Asi Huwandu Hwevari Kufa neKubatwa neChirwere Ichi Hworamba Huchiderera


Kunyangwe hazvo bazi rezvehutano rakazivisa neMugovera kuti kwakafa vanhu gumi nevatatu nechirwere cheCovid-19, huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere ichi munyika huri kuramba huchiderera zvishoma nezvishoma.

Mumazuva manomwe adarika kwafa vanhu zana nemakumi maviri nevatatu kana kuti 123.

Asi svondo rapera munguva imwe chete kwainge kwafa vanhu mazana maviri negumi nevapfumbamwe kana kuti 219. Vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave chiuru chimwe chete chine mazana matatu ane gumi nevatanhatu kana kuti 1,316.

NeMugovera vanhu zana nemakumi mashanu nevatanhatu kana kuti 156 vakabatwa nechirwere ichi uye vanu vose ava havana nhoroondo yekushanyira dzimwe nyika. Asi huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kudzikawo.

Mukati memazuva manomwe adarika vanhu churu chimwe chete nemazana maviri negumi nevana kana kuti 1, 214 vainge vafa nechirwere ichi. Asi panguva imwe chete svondo rapera vanhu. zviuru zviviri nemazana maviri ane makumi matanhatu nevatanhatu kana kuti 2, 266 vainge vabatwa nechirwere ichi munyika.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru makumi matatu nemana zvine mazana mana nemakumi masere nemanomwe kana kuti 34, 487.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi kusvika parizvino vave zviuru makumi maviri nemasere ane mazana matatu nemakumi masere nevatatu kana kuti 28, 383. Izvi zvinotevera kupora kwevamwe vanhu mazana maviri nemakumi matatu nevasere kana kuti 238 neMugovera.

Vanhu vachiri kurwara parizvino vanosvika zviuru zvina nemazana manomwe nemakumi masere nemasere kana kuti 4, 788.

Pavanhu vari kurwara ava, makumi mapfumbamwe vari muchipatara, uye vari kurwarisa igumi nevanomwe asi vari panjodzi hurusa kana kuti vari muIntensive Care Unit vatanhatu kunyangwe zvipatara zveParirenyatwa neArundel zvisina kupa bazi iri huwandu hwevarwere veCovid-19 hazviri kurapa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG