Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reMatoro Pasi Rose Zvinhu Zvakaminama Munyika


Matoro pasi pose anofanirwa kuchengetedzwa

Zimbabwe yakabana nedzimwe nyika dzepasi rino nezuro, Chipiri, mukucherechedza zuva rekuchengetedza matoro pasi rose, kana kuti World Wetlands Day.

Huromngwa uhu hwakaitwa pasi pedingindira rekuti Mvura, Matoro ne Hupenyu.

Mumashoko kuvatori venhau nezvezuva iri, veCommunity Water Alliance neCombined Harare Residents Association, vakati kuchengetedza matoro kwakakosha kuwanisa vanhu mvura yakachena iyo yakakosha munguva ino sezvo vanhu vasangana nedambudziko rechirwere cheCovid-19 vachikurudzirwa kuti vapote vachigeza maoko nemvura yakachena.

Masanangano aya anotiwo mafashamu emvura ari kuonekwa mudzimba dzakavakirwa mumatoro sekuChitungwiza, mucherechedzo wekuti matoro anofanira kuchengetedzwa pasingavakwe dzimba.

Gurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, vanoti vanhu ava vachatamiswa.

Meya veChitungwiza, VaLovemore Maiko, vanoti kuvakwa kwedzimba mumatoro kuri kukonzerwa nenyaya yehuori iri kuitika munyika.

Blessing Zulu weStudio7 aita hurukuro naVaMaiko pamusoro penyaya yakaitika kuChitungwiza svondo rapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG