Accessibility links

Breaking News

VaJoe Biden Voita Hurukuro naVaBoris Johnson neVamwe Vatungamiri


VaBoris Johnsonvachitaura naVaJoe Biden
VaBoris Johnsonvachitaura naVaJoe Biden

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nemusi weMugovera vakaita hurukuro nemutungamiri wehurumende yeBritain VaBoris Johnson mushure mekutaura zvekare parunhare nemutungamiri wenyika yeMexico VaAndres Lopez Obrador pamwe nemutungamiri wehurumende yeCanada VaJustin Trudeau.

VaJohnson vakaudza VaBiden kuti vari kuda kuti panyoreranwe chibvumirano chekudyidzana pakati penyika mbiri idzi mushure mekunge Britain yabuda mugungano renyika dzekumawririra reEuropean Union.

Vatungamiri vaviri ava vakataurawo nezvechirwere checoronavirus mushure mekunga VaBiden vazivisa kuti vari kuzosera America mugungano rePairs Club rekudzivirira kusvibiswa kwemweya unofemwa nevanhu uye musangano reWorld Health Organization rinoona nezvehutano pasi rino.

Mutungamiri wenyika yeMexico VaAndres Manuel Lopez Obrador
Mutungamiri wenyika yeMexico VaAndres Manuel Lopez Obrador

VaLopez Obrador vanoti VaBiden vakavimbisa kutumira mari inosvika mabhiriyoni mana kubatsira nyika dzakaita seHonduras, El Salvador ne Guatemala dzine vanhu vakawanda vanotiza vachizotsvaga hupoteri muAmerica vachidarika nemuMexico.

Mutungamiri wehurumende yeCanada VaJustin Trudeau s
Mutungamiri wehurumende yeCanada VaJustin Trudeau s

VaTrudeau naVaBiden vakataurawo nyaya dzechirwere cheCovid-19 uye kunetsana kwavo panyaya yekugadzirwa kwepombi yeKeystone inotakura mafuta ekufmbisa dzimotokari iyo vaBiden vasiri kuda kuti iendere mberi asi ichitsigirwa neCanada.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG