Accessibility links

Breaking News

Amai Ngozi-Okonjo Iweala Votarisirwa Kuva Mudzimai Uye Munhu wekuAfrica weKutanga Kutungamira WTO


Amai Ngozi Okonjo-Iweala vekuNigeria vari kutarisirwa kuva mudzimai wekutanga uye munhu wekuAfrica wekutanga kutungamira sangano rezvekutengeserana pasi rose reWorld Trade Organization kana kuti WTO.

Izvi zvinotevera kubuda musarudzo kwakaita wavaikwikwidzana naye uye vaive gurukota rezvekutengeserana Amai Yoo Myung-hee vekuSouth Korea.

Nzira yaAmai Okonjo-Iweala yakajeka mushure medanho rakatorwa nemutungamiri wenika yeAmerica VaJoe Biden rekutsigira Amao Okonjo Iweala.

VaBiden vakati mudzimai uyu ane ruzivo rwakadzama zvinoratidzwa nekumboshanda neWorld Bank uye kuva gurukota rezvehupfumi muNigeria.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG