Accessibility links

Breaking News

VaBiden Votanga Vhiki reKutanga Rizere Vari Muhofisi, VaTrump Vachitarisirwa Kutongwa neNyaya yeMhirizhonga


VaJoe Biden
VaJoe Biden

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nemusi weSvondo vakatanga vhiki ravo rizere vari muhofisi mushure mekutoreswa mhiko nemusi weChitatu.

Asi VaBiden vakatarisana nematambudziko akawanda kusanganisira nyaya kubaya vanhu nhomba yeCovid-19 uye nyaya yedare reSenate yekutanga kuzeya mhosva iri kupomerwa vaive mutungamiri wenyika VaDonald Trump yekutyora mumbiro remitemo kana kuti impeachment iri kutarisirwa kutanga kutongwa mumavhiki maviri.

VaTrump vari kupomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga mushure mekukundwa musarudzo naVaBiden.

NeMuvhuro dare reHouse of Representatives riri kutarisirwa kuendesa kuSenate mapepa ekupomera VaTrump mhosva zviri pamutemo. Nemusi weChipiri masenator achatora mhiko inovapa simba rekuti vaite vatongo panyaya iri kupomerwa VaTrump.

Asi hapana kuwirirana panyaya yekutongwa kwaVaTrump iyi zvikuru pamashoko avo asina humbowo ekuti sarudzo dzakabirirwa zvakapa kuti vanhu varatidzire zvine mhirizhonga padare reCapitol Hill muWashington DC zvopa kuti VaTrump vamiswe pamberi pedare reSenate.

Imwe nhengo yeSenate VaRand Paul vekuKentucky vanoti pari kuda kuitwa ongororo yekuvhota kwakaita vanhu sezvo vachiti vanotenderana naVaTrump kuti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka.

Kutongwa kwaVaTrump uku kuri kuuya apo VaBiden vari kufanira kushanda nedare reCongress zvikuru nyika yakatarisana dedambudziko rechirwere cheCovid-19.

Amai Amy Klobuchar vanoti zvinokwanisika kuti vatonge nyaya iyi vachigadzirisawo dambudziko reCovid-19. Vanoti zvakakosha zvinoda kusimbiswa inyaya yekubaya vanhu nhomba. America ndiyo ine vanhu vakawandisa pasi rose vafa nechirwere ichi.

VaBiden vakatoshandisa masimba avo kusungira vanhu kuti vapfeke mamask mumahofisi ose ehurumende uye mumabhazi. Vanoti mumazuva avo ekutanga zana vari kuda kuti vanhu zana remamiriyoni vabayiwe nnhomba yeCovid-19 asi dzimwe nyanzvi dzichiti vatori vashoma.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG