Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vanoti Vaibatwa seMunhu Atongerwa Rufu Vari Mujeri


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Mumiriri weZengeza West mudare reparamende, VaJob Sikhala, vanoti vaibatwa semunhu akatongerwa rufu vari mujeri reChikurubi Maxium Prison umo vakabuda nemusi weChipiri.

VaSikhala, avo vanove zvekare mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, vanoti vakapedza mazuva makumi maviri nematanhatu vachigara voga pasina vamwe vasungwa mumajeri anochengeterwa vanhu vanenge vamirira kuti vaurayiwe mushure mekutongerwa rufu.

VaSikhala vakasungwa mwedzi wapera vachipomerwa mhosva yekutenderedza vhidhiyo inonzi ndeyemanyepo yekuti pane mupurisa ainge arova mwana nemboma akafa.

Asi mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vakati mwana uyu ainge asina kufa uye akangodonherwa nemagirazi pakarohwa hwindo rekombi nemupurisa uyu muHarare.

Muchuchusi wehurumende, Amai Constance Ngombengombe, vanoti VaSikhala vakaita izvi nechinangwa chekuda kupesvedzera mhirizhonga.

Asi VaSikhala vari kuramba mhosva iyi.

Vakaudzawo dare kuti vainge vachibatwa neseri kweruoko vari mujeri uye vachiunzwa kudare vaine ngetani dzemumakumbo zvakanzi nedare zviregedzwe asi vemajeri havana kutevedza zvakaturwa nedare.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri weZimbabwe Prisons and Correctional Service, Superintendent Meya Khanyezi, sezvo vange vasati vapindura mibvunzo yavanga vati tivatumire apo taenda pamhepo.

Asi zviri kutaurwa naVaSikhala zvinhu zvakaiswa pamberi pedare redzimhosva nemagweta avo.

Hurukuo naVaJob Sikhala
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG