Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKutemerwa Zvirango neBritain kweVanodzivirira Nyika Yokonzera Mutauro


Zimbabwe National Army
Zimbabwe National Army

Mumavhiki maviri anotevera, sangano reEuropean Union riri kutarisirwa kuti rizeye zvekare nyaya yezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vari kutarisirwawo mukutanga kwaKurume kuti vazeyewo zvakare kuti vowedzera here kana kuti kwete zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri vari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Asi semunongedzo wekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka, hurumende yeBritain yakatemera zvirango gurukota rezvevasori, VaOwen Ncube, mukuru wevasori, VaIsaac Moyo, vaive mutungamiri wemauto ePresidential Guard uye vave mumiriri weZimbabwe kuTanzania, VaAnselem Sanyatwe, pamwe nemukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga.

Vana ava vari kupomerwa mhosva yekuva nechekuita nekupfurwa kwevanhu gumi nevanomwe vairatidzira kukwira kwemutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari muna 2019.

Asi zvirango zvakatemerwa vakuru ava zvinoshanda here uye zvii zvingaitwe kuti zvibviswe?

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti vatungamiri venyika vanofanira kugadzirisa hukama nevanhu vemuZimbabwe kuburikidza nekuremekedza kodzero dzavo.

Asi nhengo yeZanu-PF vakambotungamira bato rinopikisa reDARE, VaGilbert Dzikiti, vanoti Britain haina kodzero yekutemera Zimbabwe zvirango nekuti haisi iyo United Nations.

Hurukuro naVaFarai Maguwu naVaGilbert Dzikiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG