Accessibility links

Breaking News

Bazi rezveHutano Rinoti Huwandu hweVanhu Vari Kufa neKubatwa neCovid-19 Hwoderera Zvishoma


Kunyangwe hazvo bazi rezvehutano rakazivisa neMugovera kuti kwakafa vanhu gumi nevashanu nechirwere cheCovid-19, huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi munyika hunenge hwave kuderera zvishoma nezvishoma.

Mumazuva manomwe adarika kwafa vanhu mazana maviri negumi nepfumbamwe kana kuti 219 mushure mekunge svondo rapera mumazuva manomwe kwainge kwafa vanhu mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 291.

Vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave chiuru chimwe chete chine zana nemakumi mapfumbamwe nevatatu kana kuti 1, 193.

NeMugovera vanhu mazana matatu nemakumi maviri nemumwe kana kuti 321 vakabatwa nechirwere ichi uye vose vakachitapurirwa munyika. Asi huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kudzikawo.

Mukati memazuva manomwe adarika, vanhu zviuru zviviri nemazana maviri zvine makumi matanhatu nevatanhatu kana kuti 2, 266 vakabatwa nechirwere ichi munyika.

Asi panguva imwe chete svondo rapera, vanhu zviuru zvina nezana nemakumi maviri nevaviri kana kuti 4,122 vainge vabatwawo nechirwere ichi.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru makumi matatu nematatu zvine mazana maviri nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 33, 273.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi kusvika parizvino vave zviuru makumi maviri nemazana maviri nemashanu ane mazana matatu nemakumi matanhatu nemumwe kana kuti 25, 361. Izvi zvinotevera kupora kwevamwe vanhu mazana mana nemakumi masere nevapfumbamwe kana kuti 489 neMugovera.

Vanhu vachiri kurwara parizvino vanosvika zviuru zvitanhatu nemazana manomwe ane gumi nepfumbamwe kana kuti 6, 719. Pavanhu vari kurwara ava, zana nevasere kana kuti 108 vari muzvipatara, vari kurwarisa igumi nevatanhatu asi vari panjodzi huru kana kuti vari muIntensive Care Unit vashanu.

Zvipatara zveParirenyatwa neUBH zvinonzi hazvina kuzivisa nezvehuwandu hwevarwere.

Vaimbova gurukota rezvehutano Dr Henry Madzorera vanoti nyaya yekuti vanhu vagare mudzimba yakanaka kuderedza kupararira kwedenda reCovid-19 iri asi zvakakosha kuvheneka vanhu vakawanda nekuvapawo zvikwanisiro nezvekudya nekuti vakawanda vanozviitira mabasa emaoko.

Hurukuro naDr Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana mashanu kana kuti 3,5 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zviuru makumi masere nemasere ane mazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nevatatu kana kuti 88, 993. Vapora muAfrica vave kuda kusvika mamiriyoni matatu kana kuti 3 million.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica. Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vakawandisa muAfrica vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe kana kuti 1,7 million. North Africa ine vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika zana remamiriyoni nevaviri kana kuti 102 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana mana ane makumi matatu nevapfumbamwe kana kuti 439, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi maviri nematanhatu kana kuti 26 million.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri kana kuti 2,2 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi mashanu nemanomwe kana kuti 57 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG