Mubatanidzwa wenyika dzemuEU watanga zvakare kunetsana nenyaya yekuti poitwa sei nezvirango zvakatemerwa mamwe makambani emuZimbabwe pamwe nevamwe vatungamiri veZanu-PF nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu.
Matare maviri eparamende, reNational Assembly nereSenate, akagadzwa zviri pamutemo nemusi weChipiri paine madzimai akati wandei nekuda kwekuvandudzwa kwebumbiro remitemo kana kuti proportional representation.
Sangano iri rinoti mitemo inofanirwa kuvandudzwa inosanganisira mitemo yakaita seye Police Act, Defence Act, Prisons Act, Criminal Law Codification Act, Public Order and Security Act pamwe ne Access to Information and Protection of Privacy Act.
Mumiriri weAustralia muZimbabwe, VaMatthew Neuhaus, vanoti nyaya yekuda kuvamba mabhizimisi muZimbabwe kuzvisikira moto muziso nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka zvachose nekuda kwemitemo uye mashoko evari kutonga muZimbabwe.
VaPrince Asiel Ben Israel naVa C.Gregory Turner vakawanikwa vaine mhosva, vaviri ava vanogona kukandwa mujeri kwemakore ari pakati pemakumi matatu nemashanu nemakumi mana.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vangangodoma dare remakurukota svondo rinouya.
Bato reMDC-T rinoti harisi kuzopinda mudare reparamende nemusi weChipiri apo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachavhura dare reparamende zviri pamutemo.
Sezvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakadzwa zviri pamutemo neChishanu, vava kutarisirwa kudoma dare remakurukota.
Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBritain, VaWilliam Hague, vanoti panofanira kuitwa ongororo nesangano rakazvimirira roga yekuferefeta nyaya yekuti sarudzo dzemuZimbabwe dzinogona kunge dzakabirirwa.
Kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatora mhiko neChina, nyaya yekuti ndiyani achavatsiva kana vasisipo inonzi yave kutemesa vakawanda musoro muZanu- PF.
Muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohanes Tomana, vanoti vachaferefeta nyaya iyi ikasvitswa kuhofisi yavo.
Asi vakuru veSADC vanoti nyaya yeZimbabwe ichangangobatwa zvishoma mugwaro richaturwa nasachigaro weSADC Troika, VaJakaya Kikwete.
VaTsvangirai vanoda kuti sarudzo idzi dzidzokororwe mukati memwedzi miviri, kana kuti mazuva makumi matanhatu.
Sangano reSADC rinoti harisi kuzozeya zvakadzama nyaya yesarudzo dzemuZimbabwe dzoita gakava kumusangano wayo wepagore weSADC Summit uri kuitwa kuLilongwe, Malawi kutanga neMugovera.
Asi nyaya huru yakakwidzwa kudare naVaTsvangirai yekuramba kutambira zvakabuda musarudzo haisati yapihwa zuva rekuti inge ichinzwikwa nedare.
Zvakabuda musarudzo dzemuZimbabwe zviri kuramba zvichiita kuti dzimwe nyika dzemu Africa nedzekumawirira dzirambe dzichiita maonero akasiyana.
VaPrince Asiel Ben Israel naVaC. Gregory Turner vanonzi vainge vanzi vaizopihwa nehurumende yeZimbabwe mari inosvika mamiriyoni matatu nemazana mana ezviuru zvemadhora
VaFeltoe vava nhengo yechipiri mukomisheni iyi kusiya basa mushure mesarudzo dziri kushorwa nevakawanda vachiti hadzina kufamba zvakanaka.
Sangano rinorwira bumbiro idzva remitemo yenyika reNational Constitutional Assembly, kana kuti NCA, razivisa kuti riri kutambira zvakabuda musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru uye rakurudzira mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai kuti vabvume kuti vakakundwa musarudzo idzi.
Bato reMDC-T rinoti riri mushishi kuti riunganidze humbowo hunoratidza kuti sarudzo dzemusi weChitatu dzakabirirwa nebato reZanu-PF.
Rodhai zvimwe