Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoenda Kudare Ichiramba Kutambira Zvakabuda Musarudzo


Tsvangirai honored by France
Tsvangirai honored by France
Bato reMDC-T rinoti riri mushishi kuti riunganidze humbowo hunoratidza kuti sarudzo dzemusi weChitatu dzakabirirwa nebato reZanu-PF.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndivo vakakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika nemavhoti anodarika mamiriyoni maviri vachiteverwa naVaMorgan Tsvangirai vainge vaine mavhoti anodarika miriyoni imwe chete. Mudare reparamende Zanu-PF ndiyo yakaona zvikamu zvakawanda ichiteverwa neMDC inotungamirwa naVaTsvangirai.

Asi bato reMDC rinoti rine humbowo hunoratidza kuti sarudzo idzi dzakabirirwa. Kunyangwe hazvo dzimwe nyika dzemuAfrica dziri kukorokotedza VaMugabe, nyika dzekumwawirira dzinoti sarudzo idzi dzakabarirwa.

Mumaguta akawanda zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka zvapa kuti mapurisa agare akapakatira pfuti achitenderera zvikuri mumisha yevazhinji. Mutauriri weMDC-T VaDouglas Mwonzora vanoti vaunganidza humbowo hwakawanda hunoratidza kuti sarudzo dzakabirirwa.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG