Accessibility links

Breaking News

Australia Inoti Kutanga MaBhizimisi muZimbabwe Kutakura Mamera Murusero Kuine Mhepo


Mumiriri weAustralia muZimbabwe, VaMatthew Neuhaus, vanoti nyaya yekuda kuvamba mabhizimisi muZimbabwe kuzvisikira moto muziso nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka zvachose nekuda kwemitemo uye mashoko evari kutonga muZimbabwe.

VaNehaus vakataura mashoko aya neChina pamusangano weAfrica Down Under kuPerth apo paikurukurwa nyaya dzemabhizimisi.

Vanoti nyaya yechirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema haina kujeka uye zvichatoda gore rose kuti vanhu vaone kuti Zimbabwe iri kutora gwara ripi munyaya dzezvehupfumi. VaNehaus vanoti zvinhu zvinoshamisa chose kuti hupfumi hweZambia huri kutoita zviri nani kudarika Zimbabwe.

Vanotiwo vekunze vari kudawo kuona kuti hurumende ichabata sei nyaya dzevashandi vehurumende, nyaya yekuti ndiyani achatsiva VaMugabe, uye kuti hurumende yeZanu-PF ichashanda sei nevanoipikisa. Vanotiwo nyaya yekutengeswa kwemangoda ekwaMarange haina kujeka.

Australia imwe yenyika dzakatemera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo muZanu-PF zvirango. Australia yakatemera zvirango vanhu makumi matatu nevatatu, pamwe nekambani yeZimbabwe Defence Industries.

Australia imwe yenyika dzakabuda pachena kuti hadzisi kutambira zvakabuda musarudzo dzakaitwa muna Chikunguru.

Kubvira Zanu-PF zvayakanzi yakunda musarudzo dzisina kutambirwa nevanopikisa, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika dziri kuyambira kuti Zanu-PF ikasavandudza maitiro ayo, Zimbabwe inodzokera kumakore ekuma 2008 apo hupfumi hwakaenda kumawere.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe vanoti vanotarisira havo kuti zvinhu zvichagadzikana munyika.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG