Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vodoma Dare reMakurukota Svondo Rinouya?


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vangangodoma dare remakurukota svondo rinouya.

Vakuru vakuru muZanu-PF vanoti VaMugabe vari mubishi kuronga dare iri vachibvunzawo mutedzeri wavo, Amai Joyce Mujuru, pamwe nasachigaro webato ravo, VaSimon Khaya Moyo.

Asi vanoti pasi pemutemo, VaMugabe mbune ndivo voga vane shoko rekupedzisira panyaya yedare remakurukota. Asi zvinonzi zviri kunetsa kuuya nedare rinofadza munhu wose nenyaya yekuti muZanu-PF maita zvikwata zviri kukakatira masimba.

Vanonzi vari kutungamira zvikwata izvi ndiAmai Joyce Mujuru naVaEmmerson Mnangagwa. Vakuru mubato iri vanoti basa raVaMugabe harisi kuita nyore nekutiwo vari kutarisirwa kuti vadome dare remakurukota rine vanhu vashoma kwete vanodarika makumi mana aive muhurumende yemubatanidzwa.

Asi vakuru mubato vasina kuda kudomwa nemazita sezvo vasingabvumidzwe kutaura nyaya dzakadai kuvatori venahu vanoti makurukota akawanda achangodzorwa pazvigaro zvavari.

Makurukota aya anosanganisa VaMnangangwa, kuti vave gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika, VaKembo Mohadi, kuti vatore zvakare bazi revasori, VaSydney Sekeramai, avo vari kunzi vari kudzoserwa zvakare kubazi rezvevasori, pamwe naVaSavior Kasukuwere, avo vari kunzi varambe vakabata matumo mubazi rezvekuendesa hupfumi kuvatema,.

Vamwewo vanoti VaMugabe vanogona kuunza vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, uye gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, pasi pevanhu vashanu vane hunyanzvi nehumhizha vavanotendedzwa nemutemo kudomwa naVaMugabe kunyange hazvo vasina zvigaro muparamende.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, avo vange vasingadaire nharembozha yavo.

Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti VaMugabe chete ndivo vanokwanisa kudoma nekutaura nezvedare remakurukota.

Chipangamazano musangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica, VaTrevor Maisiri, vanoti zvichaomera VaMugabe kuti vafadze vanhu vose mukudoma makurukota.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG