Accessibility links

Breaking News

Magweta aVaTsvangirai Oferefetwa Nyaya yeKuzvidza Dare


MDC president Morgan Tsvangirai
MDC president Morgan Tsvangirai
Mutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, vakurudzira kuti magweta emutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vaferefetwe nenyaya yekuzvidza dare munyaya yainge yakwidzwa kudare reElectoral Court vachiti vanoda kuti vapihwe mamwe mapepa akashandiswa musarudzo dzakaitwa musi wa31 Chikunguru.

VaBhunu varasa nyaya iyi vachiti zvavari kuda zvakawandisa uye dare racho harikwanise kunzwa nyaya iyi pasi pemutemo wenyika.

Vatiwo magwaro aVaTsvangirai ange asina kunyorwa zvakanaka. Asi mumutongo wavo, VaBhunu vakurudzira hofisi yemuchuchusi mukuru wenyika kuti iferefete magweta aVaTsvangirai nekuzvidza dare uye kana vakazvidza dare matanho atorwe.

VaTsvangirai vanonzi vakati mumapepa avo kudare havana chavanotarisira kumatare nekuti mamwe magweta akasarudza nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiita zano ndega vasina kuvasuma sezvaidiwa nechibvumirano cheGlobal Political Agreement.

VaBhunu vanoti magweta aVaTsvangirai anoratidza seane muonero mumwe chete naVaTsvangirai vacho.

VaBhunu vaudza munyori wedare kuti aendese mapepa kuhofisi yemuchuchusi wehurumende kuti aongorore nyaya iyi nekutora matanho akafanira. VaTsvangirai vaishanda nechikwata chemagweta.

Asi bepanhanu reHerald rinoti vanoda kusungwa ndiVaChris Mhike naVaLewis Uriri. Asi VaUriri vanoti havasati vaona mapepa acho.

Muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohanes Tomana, vanoti vachaferefeta nyaya iyi ikasvitswa kuhofisi yavo.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanotiwo matare ari kuda kutyisidzira magweta kuti asamiririre VaTsvangirai.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG